- Ita bhizimusi rinoshandisa zvinhu zvinowanikwa muno kwete kunze kwenyika.
- Ita bhizimusi rinokugonesa kutengesa zvinhu zvako kunze kwenyika.
- Usatengesa midziyo yako ipi zvayo.
- Kana uine kumusha tenga mombe uchidzichengeta.
- Usaita zvikuru. Kana uine zimota zihombe richinjanise nediki isingadye mafuta. Kana uchiroja imba yose tanga kuroja imba duku.
- Usaite zvinhu nokuda kuonererwa. Endesa vana vako kuchikoro chaunokwanisa.
- Kana uine nzvimbo Chengeta huku kana kurima muriwo.
- Kana uchiroja iwe uine nzimbo yako enda unovaka katumba ikoko wogara. Usade zvepamusoro zvinodhura.
- Kana wakaroora kana kuroorwa usaite hondo nenyaya dzemari. Isai musoro pamwechete moona kuti mungakunde sei munguva yakaoma kudai. Musapomerane mhosva.
- Iva norugare! Izvi zvakakosha. Munguva dzokuoma kwezvinhu pane kushungurudzika kukuru. Usazvinetsa nezvinhu zvausingagone kukunda. KUrukurirana nevamwe uye namata.
