Pane mumwe murume aiva nemukurumbira wokuimba anonzi Marvin Gaye. Akafa rufu rwunorwadza musiwa 1 Kubvumbi muna 1983. Akaita zvekupfuurwa nababa vake.
Upenyu hwaMarvig Gaye achikura hwakanga hwakaoma. Baba vake vaimushungurudza zvisingabviri. Mumwe munyori anoti, ‘Mavin Gaye aitendera munaJesu zvikuru, asi aitadza kurarama dzidziso yaJesu yokuti aregerere baba vake. Pekupedzisira izvi zvakauraya iye pamwe nababa vake!
Dambudziko raiva pana Marvin Gaye nababa vake ndiro dambudziko ratekeshera mazuva ano. Vanhu vava kuremerwa nekuregererana. Dambudziko rekusada kuregerera riri kunyanyoonekwa pavanhu vanenge varambana.
Pane vamwe vari kupedzera simba ravo nemari yavo pakuda kusota murume kana mukadzi akavaramba. Vazhinji vacho vava namavanga makuru kudarika avakapihwa nanyakuvaramba anokonzerwa nehasha. Veduwee siyanai nehasha, dzinokuparadzai. fambirai mberi nohupenyu hwenyu.
