ZUVA REKUTANGA
Zuva ranhasi uisa kwandiri vanhu vamarudzi ose, zvikuru vatadzi vose uvanyudze mudziva retsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, zviri mamuri kutiitira rupfave uye kutiregerera, naizvozvo musatarise matadzo edu asi tarisai ruvimbo rwedu rwatakaisa kuunaki hwenyu husingaperi. Tigamuchirei tose murudo rweMoyo wenyu uzere netsitsi dzine rupfave,uye musatirega tichitiza kubva mauri. Tinoteterera izvi kwamuri nerudo rwenyu runokubatanidzai naBaba naMweya Mutsvene.
Baba musina magumo tendeutsirai meso enyu etsitsi kumarudzi ose zvikuru kuvatadzi, vose vanova vakambundikirwa muMoyo waYesu uzere tsitsi norupfave. Nemapusana pedambudziko rake rinoisvosuwisa tiratidzei tsitsi,kuti tizorumbidza simba risina mugumo retsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. Amen.
ZUVA RECHIPIRI
Nhasi uisa kwandiri mweya yavapriste navapikiri uvanyudze muhudzamu hwetsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi,mamuri munobva zvinhu zvose zvakanaka, wedzerai girasiya renyu kuvanhurume navanhukadzi vakateketerwa kubasa renyu kuti vagoita mabasa etsitsi namazvo kuitira kuti avo vanovaona vagokudza Baba vetsitsi vari Kudenga.
Baba musina mugumo, tendeutsirai meso enyu etsitsi kune mweya yeavo vakasarudzwa kuzoshanda mumunda wenyu – vapriste navapikiri; vazadzeyi nesimba remakomborero enyu. Nekuda kwerudo rwemwoyo weMwanakomana wenyu munova mavakambundikirwa, vapeiwo simba nechiedza kuti vagokwanisa kutungamirira vamwe munzira yeruponeso, uye nezwi rimwechete vaimbe nekurumbidza tsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. Amen.
ZUVA RECHITATU
Nhasi uisa kwandiri mweya yose yakazvipira uye yakatendeka, uinyudze mudziva retsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, munopa magirasiya enyu akawandisa kune mumwe nemwe uye kuvanhu vose kubva kuupfumi hwetsitsi dzenyu. Titambireiwo murudo rwemwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave uye musatirega tichibudamo. Tinokumbira girasiya iri pamusana perudo rwenyu kuna Mwari Baba vekudenga, rwunoita kuti mwoyo wenyu utsve zvinotyisa.
Baba musina mugumo, tendeutsirai meso etsitsi kune mweya yose yakatendeka, senhaka yeMwanakomana wenyu. Pamusana pedambudziko rake rinoisvosuwisa, vapeiwo chikomborero chenyu uye muvadzivirire nguva dzose. Ndiko kuti varege kurasa rudo rwenyu kana upfumi hwechitendero chisande, asi kuti pamwe navangere navasande, vakudze tsitsi dzenyu dzisina mugumo kwemisi isingaperi. Amen.
ZUVA RECHINA
Nhasi uisa kwandiri vose vasingatenderi Mwari naavo vasingandizivi.
Yesu mune tsitsi norupfave muri chiedza chepasi pose. Gamucharai muMwoyo menyu muzere netsitsi norupfave mweya yaavo vasati vatendera Mwari nemweya yaavo vasati vakuzivai. Itai kuti miranzi yamagirasiya enyu ivavhenekere kuti ivowo, pamwechete nesu, vagorumbidza tsitsi dzenyu dzinoshamisa. Musavarega vachitiza panzvimbo iyo inouya mwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave.
Baba musina magumo, tendeutsirayi meso enyu etsitsi kune avo vasingatenderi mamuri naavo vasati vakuzivayi, asi vakapfigirwa muMwoyo wa Yesu muzere netsitsi norupfave. Vakwevereyi kuchiedza cheDama Rakanaka. Mweya iyoyi haizive kuti mufaroyi kukudai imi. Itai kuti naivowo vave vanozokudza mwoyochena wetsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. AMEN.
ZUVA RECHISHANU
Mhasi uisai kwandiri mweya yaavo vakazvitsaura kubva muKirike.
Yesu muzere netsitsi, muri runako pacharwo, hamurambi kupa chiedza kune vanochitsvaka kwamuri. Gamuchirai mumwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave meya yaavo vakazvitsaura kubva muKirike. Vadhonzei nesimba rechiedza chenyu mukubatana neKirike, uye musavarega vachitiza muugaro hweMwoyo wenyu uzere netsitsi dzine rupfave, asi itai kuti naivowo vazorumbidza huwandu hwetsitsi dzenyu.
Baba musina mugumo tendeutsirai meso enyu kune mweya yaavo vakazvitsaura muKirike roMwanakomana wenyu, vakashandisa zvisakarurama magirasiya nemakomborero amakavapa vachishingirira muzvikanganiso zvavo. Musatarise kukanganisa kwavo, asi tarisai pane rudo rweMwanakomana wenyu, uye pamarwadzo ake anosuwisa aakasangana nawo pamusana pavo, nokuti naivowo vakambundikirwa muMwoyo wake uzere rudo netsitsi norupfave. Itai kuti naivowo vagozorumbidza tsitsi dzenyu huru kwemisi isingaperi. AMEN.
ZUVA RECHITANHATU
Nhasi uisa kwandiri mweya yavakazvidukupisa neyevana vadiki uinyudze mutsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, imi pachenyu makati ‘Dzidzai pandiri nokuti ndakapfava uye ndakazvidukupisa muMwoyo.’ Gamuchirai muMwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave mweya yaavo vakazvidukupisa naavo vakapfava, pamwe nemweya yavana vadiki. Mweya iyi inounza mufaro mukuru kudenga uye inofarirwa naBaba vokudenga. Vanounza munhuwi unonhiwirira pamberi pechigaro chamambo. Mwari pachake anofadzwa nekunhuwirira kwavo. Mweya iyi ine nzvimbo narini narini muMwoyo wenyu uzere nerudo netsitsi norupfave uye inoramba ichiimba rwiyo rwerudo nengoni.
Baba vasina mugumo, tendeutsirai meso enyu etsitsi kune avo vakazvidukupisa navakapfava pamwe nevana vadiki, avo vakambundikirwa muMwoyo wa Yesu uzere nerudo netsitsi norupfave. Mweya iyoyo yakafanana zvikuru neMwanakomana wenyu. Kunhuwirira kwavo kunosimuka kubva panyika kuchisvika pachigaro chenyu. Baba vetsitsi neunaki ndinokumbirisa kwamuri pamusana perudo rwamunarwo kumweya iyi, uye nemufaro wamunowana kubva pairi; komborerai pasi rose kuti mweya yose pamwechete iimbe nekukudza tsitsi dzenyu kwemisi isingaperi. AMEN.
ZUVA RECHINOMWE
Nhasi uisa kwandiri mweya yose inonyanya kukudza nekurumbidza tsitsi dzangu uvanyudze mutsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, Mwoyo wenyu rudo pacharwo, gamuchirai mumwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave, mweya yoseinonyanya kukudza nekurumbidza hukuru hwetsitsi dzenyu. Mweya iyi yakazadzwa nesimba raMwari pachake. Pakati pamatambudziko neminyama, inofambira mberi iine ruvimbo netsitsi dzenyu. Zvakare yakabatana nemi, Jesu wangu, inotakura vanhu vamarudzi ose pamafudzi ayo. Mweya yose iyi haizotongwi zvinorwadza asi tsitsi dzenyu dzichaigumbatira apo inenge yobva murupenyu rwapasi pano.
Baba musina mugumo, tendeutsirai meso enyu azere netsitsi kumweya ino remekedza nekukudza zvakakosha pamuri zvekuva nemwoyo uzere netsitsi, uye uye yakavharirwa mumwoyo waJesu uzere norudo netsitsi norupfave. Mweya iyi ndiyo Dama Rakanaka mhenyu. Maoko ayo azere namabasa etsitsi dzenyu uye mweya yavo ichifashukira norudo vanoimba rwuyo rwekurumbidza tsitsi dzenyu, imi Vokumusoro! Ndinokuteterera, Mwari wangu, varatidzei tsitsi dzenyu pamusana pechitarisiro neruvimbo zvavakaisa mamuri. Itai kuti chitsidzo chaYesu, chizadzikiswe mavari, apo akati kwavari, panguva yeupenyu hwavo asi zvikuru panguva yekufa kwavo; mweya yose inoremekedza tsitsi dzake, iye pachake achaimirira semudziviriri. AMEN.
ZUVA RECHISERE
Nhasi uisa kwandiri Mweya yose yakamirira iri muPurugatoriyo uinyudze mugomba retsitsi dzangu.
Yesu muzere netsitsi, imi pachenyu makataura kuti munoshuvira tsitsi, zvino ndinouisa muMwoyo wenyu uzere netsitsi norupfave, mweya yose iri muPurigatoriyo, mweya yamunodisa kwazvo, asi inofanira kuripira kuruenzaniso rwenyu. Dai waro ropa nemvura zvakayerera zvichibva kuMwoyo wenyu zvadzima marimi emoto wePurigatoriyo, kuti ikowo, emoto unochenesa kuti simba retsitsi dzenyu rirumbidzwe ikokowo.
Baba musina mugumo tendeutsirai meso enyu azere netsitsi kumweya iri kutambudzika iri muPurigatoriyo iyo yakambundikirwa muMwoyo waYesu uzere netsitsi norupfave. Ndinokutetererai kuti nepamusana pedambudziko raJesu Mwanakomana wenyu rinosuwisa nekurwadziwa kakwe kukuru kwakazadza Mwoyo wake Musande zadzai tsitsi dzenyu kumweya yose iri pasi peruongororo rwenyu.
Musavatarire neimwe nzira asi atarisei chete kuburikidza nemumaronda eMwanakomana wenyu wadiwa, nekuti tinotendera kuti runako netsitsi zvamuinazvo hazvina mugumo. AMEN.
ZUVA RECHIPFUMBAMWE
Nhasi uisai kwandiri mweya yose inodziya, muinyudze mugomba retsitsi dzangu.
Yesu mune tsitsi dzizere, muri rupfave pacharwo. Ndinouyisa mweya inodziya muMwoyo wenyu une tsitsi norupfave. Mumoto uyu werudo rwenyu rwusina tsvekwa, itai kuti mweya iyi yakadziya, inoita kunge zvitunha, yakakuzadzai nekusema kukuru, izadzwe zvakare nemoto wenyu. O Mambo Yesu mune rupfave rukuru, ratidzai simba nerudo rwenyu, mugoikwevera kumunhuwi werudo rwenyu, mugoipa chipo cherudo rutsvene nekuti kwamuri hakuna chisingagoneke.
Baba
musina mugumo, tendeutsai meso enyu etsitsi kumweya yakadziya asi iyo
yakambundikirwa muMwoyo waYesu uzere tsitsi norupfave. Baba vetsitsi,
ndinokutetererai pamusana pedambudziko reMwanakomana wenyu nekurwadziwa uko
kwaakaita kwamaawa matatu ari pachipiyaniso. Itai kuti naivowo vakudze,
varumbidze udzamu hwetsitsi dzenyu. Amen
