Zviturire zvizere kuna mwari uye kuda kwake.
Munamato wokuregererwa
Baba muzere rudo, panguva ino ndinoda kuregerera munhu wose. Ndinokutendai Tenzi nokuti imi makandiregerera.
Tenzi Jesu, iye zvino ndinoda kuregerera baba namai vangu nokundishaira hanya kuti ndive munhu zvizere uye ane utano. Tenzi vetsitsi, pfaviraiwo vabereki vangu kukundikana kwavo, muvazadze noMweya Mutsvene wenyu.
(Namata zuva roga-roga kwemaminetsi mashanu)
Tenzi ndinoda kuregerera murume wangu/mukadzi wangu, kundirwadzisa kwose kwaakandiita panyama napamweya, uye mavanga ose aakasakisa, zvikurusei…
(Namata kwemaminetsi mashanu pamwe nomumwe wako kana zvichikwanisika, kuti muzadzwe naMweya Mutsvene).
Tenzi ndinoda kuregerera vana vangu mukusava neshungu kwavo uye undingoveni hwavo, zvikurusei…
(Nenzira imwecheteyo, regerera munhu wose uye uchimunamatira. Usarambe wakachengeta marwadzo. Kuyananiswa kunotanga nokuregerera. Ukagona kutenda kuti Jesu akakutambudzikira nokuripira zvitadzo zvako zvose, Iye Tenzi akarovererwa uyu, anobva ava mupenyu kwauri achikupa simba rokuti ukwanise kuregerera vose).
A. Muenzaniso wokutanga
Mudzimai anoregerera murume wake chidhakwa kuburikidza nomunamato uye reururo:
Gamuchira murume wawakapiwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza murume wako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
B. Muenzaniso wechipiri
Mhuri isina rugare, iri kuparara.
Gamuchira mhuri yawakapiwa naTenzi.
Iturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza mhuri yako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti izadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
C. Muenzaniso wechitatu
Mumwe wako kana nhengo yemhuri isingatendi muna Tenzi.
Mugamuchire sokupiwa kwawakaitwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza mumwe wako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
D. Muenzaniso wechina
Munhu aparadza upenyu hwako kana kuti munhu waunovenga.
Mugamuchire sokupiwa kwawakaitwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza munhu iyeye muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
