Jeradhi Mutsvene mukuru, muranda mudiwa kwazvo waJesu Kristo, mutevedzeri mutsvene womununuri wenyu munyoro nyakuzvidukupisa, uye mwana wakazvipira wamai vaMwari, tungidzaiwo mumoyo mangu kamoto kedenga kemoto werudo uyo wakapfuta mumoyo menyu ukakuita ngirozi yorudo. Jeradhi Mutsvene wembiri nokuti apo makapomerwa mhosva musina mhaka , makatirira saMambo venyu vokudenga, hamuna kunyunyuta kana kupopota kunhema dzevaipi, Mwari vakakusimudzirai somurevereri nomudziviriri wamadzimai akazvitakura ndidzivirireiwo kunjodzi nemarwadzo makuru anonzwika pakusunuguka. Dziviriraiwo mwana wandakatakura kuti agokwanisa kuona chiedza chezuva uye agowanawo mvura yebhabhatisimo inochenesa nokupa upenyu nokuna Kristo Mambo wedu. AMEN.
Kaziwai Maria x 9
