Jeradhi Mutsvene wakanaka “Murevereri wamadzimai” ndibatsireiwo mukutenda Mwari nechipo chikuru choumai. Nguva yandakanga ndakazvitakura ndakadzidza kukumbira nokwauri uye ndakaisa kuchengetedzwa kwemwana wangu nekwangu mukudzivirirwa kwenyu kune simba. Dzidziso yenyu huru yekuvimba naMwari yakandisimbisa; mutsara (motto ) wenyu wekuti, “Mwari vachapa”, yakava tarisiro yangu. Nditendereiwo Mwari pamusana pemwana ane hutano uye akasvika uyewo utano hwangu hwakanaka.
Ndibatsireiwo kukoshesa chipo chikuru ichi choumai uye ndiwanirewo kuna Mwari magrasia ekurera mwana wangu semwana waMwari. Mukutenda kwangu ndicharamba ndichikumbira nekwamuri uye ndichitaurira vamwe vana amai nezve murevereri wavo neshamwari yakakosha. AMEN.
