Jeradhi Mutsvene mumwe weavo vane mukurumbira wokuita zvishamiso munhoroondo yeKirike Katorike. Paiongororwa kuti aitwe Mutsvene zvishamiso zvakawanda zvakaratidzwa zvakaitwa kuburikidza nekuna Jeradhi Mutsvene.
Kubvira musi wokuzvarwa kwake 6 Kubvumbi 1726, kusvikira musi waakafa ave nemakore makumi maviri ane mapfumbamwe Jeradhi Mutsvene aiva ndonda. Pamusana paizvozvo akarambwa katatu kutambirwa muupenyu hwokupikira. Mushure mokunge agamuchirwa muchita cheMununuri (maRedemptorist) nokuratidza undonda hwake pachiso chake zvakazoonekwa kuti iye ari oga aikwanisa kuita basa raiitwa nevanhu vana. Mushure mekutambirwa semubrother muchita ichi akafamba mumaruwa emuItaly somuparidzi weshoko raMwari akazove mudziyo wokuti masimba aKristo okurapa aibuda nemaari. Kunyangwe nanhasi uno nokureverera kwake anoenderera mberi achibatsira vatenderi vanokumbira minato yake.
Hakuna munhu akakwanisa kutsanangura zvinogutsa kuti pamusana pei Jeradhi Mutsvene achitorwa somurevereri wanamai. Muupenyu hwake muzviitiko zvakawanda munamato wake wakaponesa upenyu hwamai nemwana wavo achangobva mukuzvarwa. Mushure mekufa kwake zvakaonekwa kuti tsika huru yaive nemukurumbira muupenyu hwake yaive yokuti, “Ruvimbo mune zvinobva kuna Mwari.” Pamusana paizvozvi vanhu vakawanda vakakweverwa kukumbira nekwaari. Aiwanzofarira kutaura achiti, “Mwari achatipa.”zvinova zvinopikisana nemararamiro, mafungiro nokutya kwevanhu vanofunga nezvepasi pano.
Kwapfuura makore mazana maviri apo Jeradhi Mutsvene akamboti, “Kana pane munhu asingakwanisi kutakura matambudziko anobva kuna Mwari , kumbira kwandiri kuti ndikubatsire kana kuti
ndikanzwa nezvemunhu ane dambudziko irori ndinomunamatira kuti Mwari amupe girasiya rokutambira kuda kwaMwari.
Zuva raJeradhi Mutsvene rinopembererwa musi wa16 Gumiguru.
