Chinangwa
Munhu wose kubva paanozvarwa anodaidzwa kuti ave nechinangwa chekutevedzera, chinangwa chinoda kuzadziswa, pfungwa dzinoda kuzadziswa. Tose tinozvarwa tiine daidzo yedu. Ingava daidzo yokuva engeneer, makanika, mudzidzisi, mutambi, cheru chii zvacho. Vamwe chinangwa chavo ndechekuwana rudo rwechokwadi. tose tinozvarwa tiine chinangwa chinoda kuzadziswa. Chinangwa chikuru kutsvaga Mwari. naizvozvo tinofanana navachenjeri vokumabvazuva nokuti vaive nechinangwa chavo.
Kutora matano anotyisa (risks)
KUti tizadzise zvinangwa zvedu dzimwe nguva tinofanira kutora matanho anotyisa. Savachenjeri vokumabvazuva tinofanira kusiya kutya kwedu toida zvimwe zvinhu zvitsva zvatisingazivi. Muhupenyu, kubva pakuzvarwa kusvika tikure tine matanho asiri nyore atinofanira kutora.
Mhingidzo
Murwendu, rwendo rwupi zvarwo mune mhingidzo. Mhingidzo yavachenjeri vokumabvazuva aiva Herodhi. Herodhi akada kushandisa tsvete kuti avarasire paakati, ‘Ndapota endai munotsvaga mwana uyu kana mamuwana mouya nepano muchindiudzawo. Ndinoda kuzomuremekedzawo nokumupfugamira.’ Herodhi akadaro achisvimha misodzi yamanyepo, achinyatsoziva zvake kuti aida kuuraya mwana.
isu tinosanganawo nemhingidzo dzakasiyana-siyana. kungava kuraradza, kusazvibata, nezvimwe zvinotibvisa pachinangwa chedu.
Rubatsiro
Murwendo urwu mune rubatsiro zvekare. Varumwe vokumabvazuva vakachenjedzwa nengirozi kuti vasadzokere nokunaHerodhi. Isu tine ngirozi dzedu dzakawanda. Vanogona kuva vabereki vedu vanotiunza nzira yekusatora.
Magumo erwendo
Varume vokumabvazuva vakasvika kumagumo erwendo rwavo vakaona chiso chaJesu vakamuremekedza nokumupa zvipo. Isuwo tinosvika kumagumo nenzira dzakasiyana-siyana. Pose patinopa vanenzara vane nyota, nevasina zvipfeko tinenge tatoona chiso chaJesu. Tinenge tazadzisa chinagwa cherwendo.
