Mhinzo
Mhuri yaJesu yakamanikidzwa kupatsanurana nevamwe vehukama nokuda kwaHerodhi aida kuuraya mwana Jesu. Josefa akanzi nengirozi yaMwari atizire kuIjipita nemwana akateerera.
Tinoona pachiitiko ichi kuti Jesu haana kuzvitsaura asi kuti akararama upenyu hunoraramwa navamwe vose kubva pakuzvarwa kusvika avambe basa rake.
- Akasangana nedambudziko rekupatsanurwa nehama dzake;
- Sakapenda, aiita mabasa amaoko savamwe muNazareta;
- Akarwadziwawo norufu paakashaikirwa nababa vake Josefa;
- Vakaita vapoteri kuIjipita.
- Isuwo pose patinopatsanurwa navadikanwi vedu;
- patinoraswa nehama dzedu
- patinorasiswa neshamwari dzedu;
Tinofanira kutondera kuti mhuri sande yakasangana nematambudziko mamwechete.
Jesu akakurira mumhuri yakanaka
Pavakadzoka kubva kuIjipita, Mhuri Tsvene yakagara muNazareta. Jesu akakurira muNazaret – mumusha wakanaka. Musha wakanaka chipo chikuru. Jesu akarerwa zvakanaka naamai vake vakanaka. Pane akati ‘Mai vakanaka vanokunda maheadmaster zana.’ Vanamai vanofanira kunzwisisa kana vachirera vana vavo. Ngavatarisire zvinogoneka. Ngavasambunyikidza vana.
Jesu airemekedza vabereki vake
Jesu akagamuchira mabasa anofanira kuitwa nemwana pamba. akaremekedza baba vake naamai vake. Tsika dzose dzinokurudzira kuti mwana aremekedze baba naamai. Asi mazuvaano zviri nyore kushaira vabereki navamwe vanhu vakuru nguva.
Sira anoyeuchidza vana kuti vane basa rokuremekedza vabereki vavo chero zvakaoma. Anoti kana mukaremekedza vabereki venyu muchawana zvinoshuvirwa nemunhu wese – hupfumi nehupenyu hwakareba.
Mhemberero yanhasi inotidaidza kuti tidzidzise vana kuremekedza vanhu vakuru. Pauro MuTsvene anoti, ‘Varerei muchivaratidza nzira dzaTenzi.’
Jesu akadzidza mugariro wavanhu nhando
Tamboti Jesu aishanda sakapenda. Izvi ndizvo zvaimuraramisa. Aiziva nyika yaaigara. Akadzidza nezvevanhu vaive vakamutenderedza. Akanzwisisa vanhu vaaizoparidzira shoko.
Isu tineshungu dzokuti vana vedu vawane dzidzo yepamusoro kusvika pakuti vasaone kusadzidza kwavamwe.
Tinoda kuti vasatambure vadye zvakanaka kusvika pakuti vasaone hurombo hwakavatenderedza.
Tinoda kuvaitira zvakanaka chose, zvekuti hatidi kuti vaone matambudziko ari munyika. Muchazoona vamwe vakuita saMambokadzi wekuFrance anonzi Marie Antoinette. Vanhu vairatidzira padyo nemba yake. Akabvunza kuti bongozozo raiva rei zvikanzi ‘vanhu vanoda chingwa’. iye akati ‘kana pasina chingwa vapei nyama’. Airarama upenyu hwekuwana zvekuti aisanzwisisa kutambura kwavanhu.
Muenzaniso wemhuri
Mhuri sande tinoipihwa semucherechedzo wezvatinofanira kuita. Pauro anopa zano rinoti:
‘Madzimai remekedzai varume venyu sezvamunofanira kuita. Varume idai madzimai enyumuvabata zvakanaka. Vana teererai vabereki venyu nekuti izvi ndizvo zvinofadza Tenzi. Vabereki musavhiringa vana nokuita zvinovasundira kure.’
