Mariya anoenda kunogoverana mufaro nehamayake iri kufara anova Erizabeta. Asi zvinoitika ndezvekuti Erizabeta nemwana wake arimmbu, Jowani, ndivo vanozadzwa nomufaro vachiona Mariya naJesu! Panosangana vachazove anamai, Erizabeta naMariya, vanavavo vasati vazvarwa vanosanganawo zvekare.
Munyika yokuti vanhu vanotarisirana pasi nokuda kwezera, chiitiko ichi chinotipa chidzidzo chakakosha. Erizabeta, aiva mukurusa kupinda Mariya, anozviona seakakomborerwa kushanyirwa naMwariya mwanamudiki kwaari. Jowani aivawo mukuru kunaJesu nemwedzi mitanhatu anonzi akakwakuka nomufaro paakashanyirwa naJesu naMariya.
Mufaro wakadai unogoneka chete kana pasina shanje. Paisava neshanje pakati pamadzimai maviri aya. Mumwe nemumwe wavo anogamuchira chinhano chakapihwa mumwe wake naMwari. Shanje kazhinji inoputsa ukama hwedu. Dai tikadzidza kuyemurana pazvipo zvedu.

Amen
thank you
LikeLike