Zviroto
Pane dzimwe nguva dzatinenge tiine zviroto zvedu. Tinorota tichikunda kuraradza pamwe nokuvamba upenyu huneutano. Tinorota tichiita nyanzvi dzokuimba kunyange pasina vanoona tarenda ratiinaro. Tinorota tichiva vanhu vanoendeka. tinorota tichiita mabasa anoshamisa anoita kuti nyika ibudirire zvinhu zvifambe zvakanaka.
Zviroto izvi zvinenge zviri matiri. Vamwe vanotiona tichizama padiki patinogona vagotadza kutendera kuti tichaita zvinhu zvinoshamisa. Panguva yakadai pane vamwe vanhu vatingati vanaMariya vanotinzwisisa. Mariay akashanyira hama yake Erizabeta akainzwisisa. Isuwo tinogona kuva vanhu vanopa chitarisirio kune avo vane zviroto zvavo. Uyewo isu kana tiine zviroto zvedu panana Mariya vanotikurudzira nokutipa chitarisiro. Ngatinamatirei vanhu vakadaro.
Makwazisiro
Pane zviri mumakwazisiro aMariya zvinodarika mashoko aanotaura. Makwazisiro ake anopa chitarisiro kuna Erizabeta agoita seanozadzisa zviroto zvake. Pane vamwe vanhu vanoti vakapinda muhupenyu hwedu pane zvinoitika. Zviroto zvedu zvinotanga kutozadziswa ipapo. Sokukwakuka kwakaita mwana Jowani nomufaro tinozadzwa nemufaro nechitarisiro. Tinova nechokwadi chokuti zvatinoshuvira zvavakuzoitika.
Vana nanepamiviri
Nhasi hama dzadiwa ngatitonderei mwana sikana ari kumwe ane pamuviri uye ari kudemba kuti akazviitirei. Pamwe mwana iyeye haana waanochemera anomunzwa mumhuri yaanobva. Pamwe anedambudziko guru remari kana kuti pamuviri apa pavakumutadzisa kuenda kuchikoro kana kuzviriritira. Ngatinamatei kuti Mwari atumire vanhu vakaita saMariya, vane vane matambudziko avo asi vanofunga vamwe. Vanhu vanoti kana vakakwazisa mumwe ane dambudziko, vanomumhoresa nenzira yokuti mwana ari mudumbu anokwakuka nomufaro mai vacho vachizadzwa naMweya Mutsvene.
Kuyemura vamwe
Iu musangano redu tine zvakawanda zvatinodada nazvo kusanganisira hupfumi. Tine zvikoro zvakanaka zvinodzidzwa zvekuti mubereki wose anoda kuti mwana wake adzidze pazvikoro izvozvo. Tine hukama hwakadzama nemamwe masangano edu ari mhiri anotibatsira nenzira dzakawanda. Zvose izvi zvinogona kutiita kuti tizvikudze. Ngatinamatei kuti saMariya, tiremekedze vemamwe masangano, tigone kuvashanyira saMariya tichiumba hushamwari navo.
Takakomborerwa
ISu tine makomborero atinopihwa muhupenyu hwedu. vamwe tinokwiridzirwa kubasa. vamwe takakwanisa kukunda katsika kakaipa. Dai waro takwanisa kuona kukomborerwa kwatakaita sezvakaita Mariya. Makomborero anowedzerwa nokuona kukomborerwa kwatakaitwa.
Kunamatira vanaMai
Hama dzangu ngatirangarireiwo vanamai vakasiyana-siyana vanovavarira nokushanda nesimba kurera vana vavo nyange zviome sei. Chinovagonesa kuramba vakatsunga chitendero chakaita sechaMariya, chokuziva kuti Mwari achakomborera zvibereko zvemimba dzavo.
