MuDama Rakanaka ranhasi pane mubvunzo wakakosha uri kubvunzwa namapoka matatu avanhu. Mhinduro iri kupihwa inotibatsirawo isu muhupenyu hwedu. Mapoka aya ndeanoti:
- Mhomho yavaJudha yaitevera Jowani;
- Vateresi vaivengwa navanhu (vokunze);
- Mauto (kazhinji vaiva vaRoma; vatorwa).
Mhomho yavaJudha
Jowani ari kuti kuvanhu ava, ivai noruenzaniso. Musazvifunge asi kuti goveranai navamwe zvamuinazvo. Isuwo savatenderi, tine basa guru rokugoverana zvokudya nezvokupfeka navarombo. Isuwo tinofanira kuvavarira kufunga vamwe zvikurusei munguva ino yeMwaka wokugadzirira kuuya kwaTenzi.
Vateresi
Jowani ari kuti kuvateresi, regai zvokutora mari yakapfuurikidza yemutero. Vimbikai mumashandiro amunoita mubasa renyu musava nehuori. Gutsikanai nemuhoro wamunopihwa musada zvekubira vanhu. Ko isu savatenderi takavimbika here mumabasa edu, muhukama hwedu navamwe, mumabhizimusi edu nemudzimba dzedu?
Masoja
Jowani anoudza mauto kuti asashandise simba rawo kuitira vanhu utsinye, kudzvanyirira vanhu nokuvabira mari, kupomera vanhu mhaka dzavasina, nokushungurudza vanhu. Isu tinoshandisa simba ratiinaro chirudzii mumabasa edu nemudzimba dzedu? Tinoita zvinhu zvinongobatsira isu toga here kana kuti tinorangarirawo vamwe mukuita kwedu? Tinobata vari pasi pedu noruenzaniso here tichifunga zvido zvavo kana kuti tinongozvifugna chete?
