Mumwe murume wekuAmerika akanyora kabhuku kake kanonzi, ‘Rutadzo Rwakazodii?’ Mukabhuku aka anotaura rungano rwemumwemuparidzi womumugwagwa anoonekwa mangwanani. Vanhu vanenge vachifamba vachimhanyira kumabasa avo iye osimudza kaoko kake kakaonda achinongedzera wose anopfuura nepaari achiti ‘Unemhosva!’ Anotura befu opamhazve ‘Unemhosva!’ Vaya vanenge vachipfuura vanoonekwa vachizvengesa maziso, asi vozocheuka, votangakufambisa nekutiza savanhu vari kutya.
Tinoona zvakada kufanana neizvi panaJowani. Anoonekwa mumahombekombe aJorodhani munenge muzere vanhu vachiita mabasa avo. Iye anotanga kutaura navanhu vakasiyana-siyana achivaratidza kutadza kwavo. Anoti kuvateresi muri kubhadharisa vanhu mari yakapfurikidza. Kumasoja anoti musatyisidzira vanhu. Kuvapfumi anoti musabatirira vanhu.
Vazhinji vedu tine mhosva. Iri handiro dambudziko. Dambudziko nderekuti hana dzedu hadzicharova. Vazhinji vedu hatichabvuma kuti tiri kutadza. Jowani anouya sokuuya kwaakaita kuvanhu venguva yake achiti bvumai matadzo enyu. Tarisai moyo yenyu muone zvamungaite nezvazvo. Anoti tendeukai kubva kuzvivi zvenyu mudzokere kuna Mwari.
Mumwe mudzimai anoti iye akanga agere zvake paruvanze ndokuona mwana wake achiisa rimwe gumo mubhavhu rekugezera asi rimwe rakaramba riri mumatope. Pfungwa dzake dzakatanga kumhanya. Akaona kuti uyu waive mufananidzo wohupenyu hwake. Aive munhu anoda kuzvipira kuna Mwari, asi akanga asina kuzvipira nomwoyo wose. Aive nerimwe gumbo muna Mwari rimwe riri panze. Asi iye zvino akanga abatwa moyo. Anoti iye akazhamba achiti ‘Ndaneta! Mwari nhasi ndinokusarudzai!’
Advent inguva yokubvuma kutadza kwedu. Inguva yokutendeuka kubva kuzvivi zvedu, tichizvireurura nokuzarurira Mwari hanadzedu. Inguva yokusarudza Mwari nomwoyo wose kwete kuita gumbo mumba gumbopanze. Inguva yokutura befu Nokuti ‘Mwari ndaneta! Ndinosarudza imi!’
