Jowani anoparidza nezvekutendeuka. Ruzhinji rwavanhu parunomunzwa runobvunza kuti ndezvipi chaizvoizvo zvinofanira kuitwa. Jowani anopindura nokuvapa zvinobatika zvavanofanira kuita.
- Ruzhinji rwavanhu anoruudza kuti rugoverane zvokudya nezvokupfeka navarombo;
- Vateresi anovati vasabiridzire vanhu asi kuti vaite zvine ruenzaniso;
- Masoja anovati vasashungurudze vanhu asi kuti vabate vanhu zvakanaka.
Muchidimbu, mharidzo yaJowani inoti kutendeuka kunoreva kuva noruenzaniso.
