Shoko raMwari rakafambiswa nemunhu nhando aiva mugwenga.
Rungano rwaJowani nhasi runogona kutaura kwatiri.
Varipo pakati pedu vari mugwenga:
- Mugwenga rokuti ukama mumhurihauna kumisa zvakanaka;
- Mugwenga rokuti kubasa zvinhuhazvina kumira zvakanaka;
- Mugwenga rokuti mhirizhonja,humbavha, huori, namamwe matambudziko atekeshera munyika;
- Mugwenga rokuti kunamata chaikokwava kurema, hapana zvaunonzwa.
Asi ndinoda kuti uzive kuti Kunyange mugwenga mune izwi rinodaidzira richiti zvinhu zvichaita zvakanaka. Kunyange uri pakati pamatambudziko, zama kugadzirira makwara ako, kutwasura nzira dzako Nokuti ruponeso rwako ruri padyo. Muhupenyu hwako mune makan’a aunoshaya kuti achafushirwa sei. Muhupenyu hwako mune makomo aunoshaya kuti achaparadzirwa sei. Muhupenyu hwako mune nzira inotenderera-tenderera zvikuti unoshaya kuti uchasvika here kwauri kuenda. Muhupenyu hwako mune nzira dzine matombo anobaya zvekuti wava nemadudzu anokutadzisa kufamba. Asi zvakadaro ramba uine chitarisiro Nokuti ruponeso rwako ruri padyo.
