Jesu akasvora vaZivi vemutemo naVaFarisiya kkokushaya hanya navarombo vachingozvifunga ivo pachavo. Nemhaka yokuti vaida kungoonekwa ivo chete, mipiro yavo neminamato yavo yaiita semitambo yavari kuita kuti vaonekwe navanhu. vaida kurumbidzwa navanhu, havaida kuratiddza chiremera chamazviro kwazvo. Vaitsvaga simba nembiri pane kutungamidza kuitira vamwe. Vaive nenzara yokuonekwa. Zvaiita sokunge chimiro chakanaka ndicho chaikosha kudarika zvimwe zvose. Izvi zvakavaita kuti vazvikudze pamwe nokudada.
Isu tinogona kuva tisina kunyanyosiyana navanhu ava. tinofanira kuchenjera kuita zvinhu kuti tionekwe. Izvi zvinogona kutiita kuti tizvikudze pamwe nokuva norudado.
VaZivi vemitemo navafarisiya vakaenzaniswa neimwe shirikadzi. Jesu akavaonesa chimiro nemaitiro eshirikadzi iyi. Sezvo vanhukadzi vakanga vasingaonekwi sechinhu nguva iyoyo, vaitoraramiswa pana zvose navarume vavo. Saka murume wayo paakafa, shirikadzi iyi yakatanga kudya nhoko dzezvironda. Shirikadzi iyi yakanga yasiya mhuri yayo uye yaisakwanisa kudzokerako, zvakare pakufirwa yakanga isisina chinzvimbo mumusha mayakaroorwa.Yakanga yamira yoga munhamo nemumatambudziko.
Asi chinoshamisa ndechekuti maitiro ayo haaratidze kuti ine nhamo huru. Haitsvage kuonekwa. hainei nekurumbidwa navanhu. Urombo hwayo hwakaidzidzisa kukutsikana nezvaiinazvo.
Mweya wakadai wokugutsikana, kutenda nokuva nomufaro unoonekwa nokukanda kwayakaita koini. Jesu akazviona akairumbidza. Shirikadzi iyi yaivimba naMwari. Kukanga zvose kunoreva kuti unoziva kuti upenyu hwako huri mumaoko aMwari. Yaisazvinetsa nezveramangwana. Chaikosha panguva iyoyo kupa.
Muchiverengo chokutanga tiri kusanganawo neimwe shirikadzi zvekare yaiva nenhamo huru mugore renzara. Asi zvakadaro yakavimba naMwari. Izvi tinozviona pakuti yakapa Elijah zvokudya kunyange yaive yasarirwa netushoma. Shirikadzi iyi haina kuchema-chema nokuda kwehurombo hwayo. Haina kudzinga Eriya ichiti ndasara nezvishoma. Yakapa zvishoma zvo ichifara. Shiri kadzi mbiri idzi hadzina kuomera nezvishoma zvadzaive nadzo asi kuti dzakatambanudza maoko.
Hama dzadiwa, tikaziva kuti takakomborerwa sei tinozara nokutenda. Zvakakosha kuona nokutenda pamusoro pazvose zvatakapihwa. Tinofanira kutenda kwete zvinhu zvinobatika chete, asi hukama hwakanaka hwatakapihwa, rudo rwatinopihwa, rutsigiro rwatinopihwa, vanhu vanova zvipo muhupenyu hwedu, matarenda atiinawo, kugona kwatakapihwa. tikafarira nokutenda zvatiinazvo tichava nomufaro uye tichawedzerwa.
