Vasande vanhu vakava nechivindi chokurarama upenyu hweChiKristu. Upenyu hwavo ikurudziro huru kwatiri. Asi zviri nyore kurasika pakutevedzera vasande ava. Tinogona kuvashandura kuvazvimwari. Tikadaro kuvatevera kunova mhingidzo kwete rubatsiro muchitendero.
Pane vamwe vanhu vanofunga kuti chaunongoda kuwana relic yemusande kuti uvewo mutsvene. Hazvisi nyore sekudaro. Vasande vanoshanda semienzaniso kwatiri yokuti tingatevere Kristo sei.Vasande havatiite kuti tidimbudzire tichitadza kufamba nenzire refu yakaoma nekumanika yechitendero. Hatifaniri kutarisira kuti vasande vatiitire zvatinogona kuita pachedu.
Pane rungano runotaurwa pamusoro pemurume aizvitunidza kuti anotevera Francis wokuAssisi zvakadzama. Murume uyu ainzi Nyonde aiwirirana nemumwe kapenda nemhuri yake. Mudzimai wakapenda aie nehanzvadzi yake yaiva yakaremara yavaigara nayo. Rimwe zuva Nyonde akambofamba famba nakapenda nemudzimai wake. Hanzvadzi yokuremara yakati yaigona hayo kusara kana vachinge vaipa bhuku rekuverenga negirazi remvura yekunwa. Vakamupa vakakiya gonhi ndokubva vaenda.
Vakanakidzwa zvikuru vachifamba-famba kunze kchitonhorera. Zuva paraive ronorereka vakaenda kurestorendi kuti vanodya kudya kwamauro. Asi pavaive vodya Nyonde akatanga kubatikana nemurume wavaive vasiya vakiira mumba. Akati komoto ukapisa imba akafiramo.
Akabva atanga kufunga nezvaMusande Francis wokuAssisi mashoko aya achibva amubata ‘Zvinobatsirei kudzida nezvoupenyu hwavaSande isu tichisiya chirema chiri choga murima tiine simba rokuchibatsira.’
Akasimuka patafura, ndokusiya waini nechikafu ipapo akamhanyira kumba kwaive nemurume uya akaremara. Akazoti otaura pava paya ndokuti, ‘Ndakanzwa ruoko rusingaoneki ruchidzvanyirira pamwoyo pangu, ndikanzwa kurwadziwa nokunyara zvokuti ndakasvika pakudedera. Ndakabva ndaziva kuti Musande Francis ane zvaari kutaura neni.’
Uyu muenzaniso wakanako chose wezvinofanira kurehwa navasande muhupenyu hwedu. Vanotidana kuti tirarame upenyu hweChiKristu. Sangano Katorike rinovaita mienzaniso nokuti vakatodzana naKristu. MIyeuchidzo kwatiri yokuti upenyu chii. Mienzaniso, vadzidzisi, ishamwari, uye vamiririri. Asi vasande havagoni kutiitira zvose. Zvinobatsirei kuzvitunidza uchiti ndinotevera musande nhingi kana kutevera kwako kusingashandure upenyu hwako?
Kuva musande kuva chapupu cherudo. Hapana daidzo inodarika iyi. John Mutsvene weChipiyaniso akati ‘Pamauro ohupenyu hwedu tichabvunzurudzwa maererano norudo.’
