Svondo raVaTsvene Vose – Hunhu hunotarisirwa Posted by MC on October 30, 2018 Posted in: Svondo raVatsene Vose. Leave a comment Mumakomborero ari kududzwa naJesu pavadzidzi vake tinoona hunhu hwaanoshuvira pavari. Mashoko aya anoshandura maonero namafungiro amazuva ose. Nyika inoti ‘Vakakomborerwa vapfumi, nekuti vane zvese zvavanoda.’ Asi Jesu anoti, ‘Vakakomborerwa varombo pamweya.’ Kana achiti ‘varombo pamweya’ anoreva avo vanovimba naMwari kwete nemari; avo vanoziva kuti hausi huwandu hwemari yavainayo hunovapfumisa asi hunhu hwavo. Nyika inoti ‘Vakakomborerwa vanorarama mutambaara tede.’ Asi Jesu anoti ‘Vakakomborerwa vanochema.’ Vanhu vanerudo ndivo chete vanogona kuchema. Ukazarurira mwoyo wako kune vamwe watovhua mukana wekugoverana navo mitoro yavo nekusuwa kwavo.’ Kurarura mwoyo wako ndiko kuvamba upenyu. Nyika inoti ‘Vakakomborerwa vakasimba vane simba.’ Asi Jesu anoti ‘Vakakomborerwa vakapfava.’ Kupfava hazvirevi kuva neutera sezvinofungwa navazhinji. Kupfava kunoreva simba guru rakanaka. Pane zvikuru zvakawanda zvinogonekwa nerupfave bedzi. Nyika inoti, ‘Vakakomborerwa vanenzara yesimba, zvinzvimbo, nembiri.’ Asi Jesu anoti ‘Vakakomborerwa vanenzara yoururami.’ Kurarama zvakarurama ndozvinoreva upenyu. Vanozvikoshesa sekukoshesa kwavanoita kudya nekunwa racharaiddza mufaro wechokwadi. Nyika inoti ‘Vakakomborerwa vasingaratidze tsitsi.’ Jesu anoti ‘Vakakomborerwa vanoitira vamwe tsitsi.’ Vanhu vanonzwisisa kukoniwa kwavamwe vachawana mufaro, vanhu vakadai vanochipo chekuregerera. Vanhu vakadai vanoitirwa nyasha naMwari pazvivi zvavo. Nyika inoti ‘Vakakomborerwa vane nzara, mazino neganda rakachena.’ Jesu anoti ‘Vakakomborerwa vane mwoyo yakachena.’ Mumwoyo medu ndimo munobva pfungwa, mazwi nezviito zvakanaka. Kana mwoyo wakachena zvose zvinobva mauri zvinenge zvakachena. Nyika inoti ‘Vakakomborerwa vanokonzera mhirizhonga nevanovamba hondo.’ Jesu anoti ‘Vakakomborerwa vasakisi vorugare.’ Vakakomborerwa vanoparadzira kunzwisisana pakati pavanhu, vanogamuchira vatorwa, vanoshandira nyika ineruenzaniso. Vanhu ivavo vana vechokwadi vaMwari. Nyika inoti ‘vakakomborerwa vanonyepa nekubiridzira.’ Jesu anoti ‘Vakakomborerwa vanomirira ururami.’ Kana vakashushirwa zvavanomirira, mavanga avanowana mavanga echiremera. Makomborero mucherechedzo wokuva mudzidzi chaiye waJesu. Makomborero ndiwo mwero weutsvene. Zvinomiririrwa neMakomborero zvakakosha zvikuru – rugare, unaku, mufaro, rupfave, mwoyo munyoro, nyasha, chiremera … Munhu anorarama maererano nemakomborero ari kutorarama muhumambo hwedenga. Govanai: Click to share on X (Opens in new window) X Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn Like Loading... Related Posts navigation ← Kudhura kweshuga Svondo raVatsvene Vose – Zvapupu zvorudo →