Svondo 30 reGoreB Posted by MC on October 24, 2018 Posted in: Gore B, Mharidzo dzamasvondo. Leave a comment Mupemhi aive bofu watanzwa nezvake muDama Rakanaka aivavarira kusvika panaJesu. Aida rubatsiro rwevaiva vakamupotereda kuti asvike panaJesu abatsirwe. Asi kunze kwekuti awane rutsigiro kubva pane vaiva vakamukomberedza anoshungurudzwa nekurambwa. Tanzwa kuti mupemhi uyu paakadaidzira ahiti ‘Mwanakoman waDhavhiti ndinzwireiwo tsitsi’ vazhinji vakamutukirira vachimuti anyarare. Kunze kwekuti vabate mupemhi uyu ruoko vamuendese kuna Jesu vakamudzvinya pahuro vakamuzvuvira kure naJesu! Jesu pachake ndiye akabatsira murume uyu. Paakamunzwa achishevedzera akati muunzei kuno. Vanhu ndopavakazoshanduka voedza kumubatsira. Vangani vanhu vakadai vari pakati pedu? Vangani vari kuedza kusvika panaJesu semurume uyu? Vangani vanhu varikubatwa huyanga semabatirwo akaitwa murume uyu? Vangani vatiri kuodza moyo musangano redu? Shoko raMwari rinoda kuti tione vanhu vakaita semupemhi uyu pakati pedu. Rinoda kuti tizvipenengure kuti tiri kuedza kubatsira here. Hanzi tinofanira kuvavarira kukonza mufaro mune vanhu vane matambudziko pakati pedu.TInoudzva kuti tinosasika rudo sei nemunamato watinogaro ita unoti: Tenzi ndinochemera kuitwa mudziyo worugare, pane ruvengo ndikushe rudo. Pane kunyunyuta chitendero Pane kurasa mwoyo chitarisiro Pane rima chiedza Pane kuchema mufaro Haiwa Tenzi Mutsvene Itai kuti ndide kunyaradza pane kunyaradzwa Kunzwisisa vamwe pane kunzwisiswa Kuda vamwe pane kudiwa Ndikapa ndinopiwawo Ndikaregerera ndinoregererwa Uye murufu ndimo munobuda upenyu husingaperi Govanai: Click to share on X (Opens in new window) X Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn Like Loading... Related Posts navigation ← Kupa Svondo 30 reGore B (2) →