Svondo 30 reGore B (2) Posted by MC on October 24, 2018 Posted in: Gore B, Mharidzo dzamasvondo. Leave a comment Batimeyo paakanzwa kuti Jesu aimudaidza akasimuka ndokukandira jasi rake parutivi akatanga kuenda kunaJesu. Jasi iri raiva rakamukoshera. Raimua madziya. Raifukidza uipi hwake. Raimupa chimiro nechiremera. Asi zvakadaro akarikandira kure akasvika panaJesu ari zvaari – nerima rake, neurombo hwake nehuipi hwake. Jesu akamugamuchira akamuita kuti aone zvekare. Isuwo tiri mapofu nenzira dzakawanda. Tiri varombo nenzira zhinji. Jesu ari kuti dana kuti tiuye kwaari. Anoda kutiponesa. Asi dzimwe nguva pane zinotiremera kusiya kuti tisvike paari tiri zvatiri. Kudada kwedu kunoita kuti tinyepedzere kunge zvinhu zvakaringana izvo zvisina. Tinoda kuita sevanhu vakarurama isu tisina. Tinofunga kuti tikabvuma uipi hwedu nokutadza kwedu Jesu haatigamuchire. Tinosarudza kupfeka sezvigure kuti tisaonekwe zvatiri. Si tinofanira kuita chivhindi chokusvika panaJesu sezvatiri. Hapana chaanotipa kunze kwemwoyochena nerudo nekurapwa. Ngatisamire parutivi rwenzira. Ngatisanyare kutsvaga rubatsiro. Batimeyo anotidzidzisa kuti kana muchato usina kumira zvakanaka usatya kutsvaga rubatsiro. Kana wasvibiswa norutadzo usanyara kureurura kuna baba vezvomweya. Mwana asingachemi anofira mumbereko. Govanai: Click to share on X (Opens in new window) X Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn Like Loading... Related Posts navigation ← Svondo 30 reGoreB Watsapu →