© Musakope mharidzo iyi musina mvumo.
Rungano rwekurudziro
Murungano rwembeu inokura yoga chirikusimbiswa kuti goho rinotowanikwa kana murimi achinge aita pake. Rungano urwu rwaiitirwa kukurudzira vateveri vokutanga vainge voda kuora mwoyo pavaisaona kufamba kwebasa ravo. Rungano urwu rwaivati ivai nemwoyo murefu, vimbai naTenzi, musatarisire shanduko ipapo-ipapo.
Nyika yeInstant products
Sevateveri vokutanga, isuwo tinoda kuti zvinhu zvedu zvifambe chiripo-ripo. Tiri kurarama munyika yema instant products. Tine instant soup, instant photos, instant sadza … dzimwe nguva tinowana zvinhu zvisina quality nokuda kwekuti tinoda mhinduro chimbi-chimbi.
Pane zvinhu zvisingamanyisike
Tinokangwana kuti pane zvimwe zvinhu zvisingamhanyisiki.
Kuyaruka semunhu kunotora upenyu hwose.
Kuvaka ukama hwakasimba uye hwakanaka kunotora nguva.
Kunzwisisa vana vako kunotora nguva.
Kukunda matadzo ako neutera hwako kunotora nguva.
Nguva yekudzvanya mabhatani
Nyika yatiri kurarama inogonawo kunzi nguva yekudzvanya mabhatani. Pazvinhu zvizhinji unongodzvanya bhatani zvaunoda zvotoita. Mishina mizhinji ingava yekutengesa zvinwiwa kana yemumabhengi inotirerutsira nekuti chaunoda kungodzvanya bhatani. Asi upenyu hwakadai hunenjodziwo zvekare. Upenyu hwekudzvanya mabhatani hunotijaidza kuzvinhu zvatisina kushandira, kuda zvinhu nyore, kuda zvemahara, kuda zvemukoto. Upenyu hwakadai hunotiita kuti tide zviri nyore nyange zvisiri nyore.
Murimi akaita pake
Murungano rwaJesu, murimi akaita pake – akadyara mbeu. Mushure mekunge adyara akanga asisina simba pamusoro pembeu iyi. Zvaaida kuona zvichiitika, kuti mbeu ikure, asi hapana zvaaigona kuita nezvazvo. Zvaaigona chete kuva nemwoyo murefu, kuzvidukupisa nekuva nechitarisiro. Izvi hazvisi nyore.
Upenyu hunoda kuti tiite semurimi uyu pane kunyanyo shingairira tichifunga kuti zvese zvine chekuita naivo. Dzimwe nguva hatigone kumbotora nguva tichitarira, tichibvumidza zvinhu kuitika, tichivimba, tichiita mwoyo murefu, tichizvidukupisa.
Zvimwe ndiMwari anozvigona chete
Pane zvimwe zvinhu zvatinofanira kuzviitira, zvatisingaitirwe naMwari. Asiwo pane zvimwe zvinhu zvatinofanira kubvuma kuti hatigone kuzviita, Mwari ndiye anotiitira. Kuyaruka pamweya kunotora nguva. Zvinoitika kana tikasaoma musoro.
Mubasa guru rekukura, kurapwa, kudzoreredzwa isu tinongova vabatsiri. Tinodyara asi hatikurisi. Mwari ndiye anoita zvose. Mwari ndiye anokudza, ndiye anowedzera.
Mwoyo murefu semamiriro ekunze
Tinofanira kudzidza kubva pamamiriro ekunze kuva nemwoyo murefu. Zvinhu zvinotora nguva kukura. Zvinhu zvinotorawo nguva kuibva. Hapana kudimbudzira. Mwaka yose inodiwa.
Isuwo tinoda mwaka yose. Tarira muenzaniso waKristu. Asati atanga basa rake, akatora makore makumi matatu muNazareta. Aisatambisa nguva. Jesu aida nguva yakarea kudaro kuti ayaruke agadzirire basa rake zvizere.
Rungano rwanhasi runotiratidza kuti pana Mwari ane masimba ose anotibatsira. Basa redu nderekudyara. Mwari anobva aita zvose. Mwari anoita. Kana tikadyara tinokohwa.
