
© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Pane rungano rwejaya raizvifambira ndokuona regondo ndokuritora rikanoriisa mudendere rehuku. Zai riya rakasvika pakutsotsonywa pakabuda nyana regondo iro rakakurira pamwechete nehuku. Upenyu hwaro hwose, gondo raifunga kuti ihuku richipara sehuku, richidya makireshi netuhumha sehuku. Raingobhururuka risingaendi kure sezvinoita huku.
Makore akawanda akadarika gondo riya rikasvika pakuchembera. Rimwe zuva rakaona shiri yaibhururuka zvinofadza. Rakati, ‘hei, shiri iyi yakapenga veduwee. Inobhururuka zvinodekadza.’ Imwe huku yakabva yati, ‘Igondo iri, changamire yeshiri dzose. Siyana naro. Haumbofa wakaita segondo.’ Gondo riya rakangosiyana nazvo ndokuenderera mberi richirarama sehuku rikasvika pakufa sehuku.
Rungano urwu runotieuchidza kuti tizvibvunze kuti tinorarama savanaani. Vanhu venyama vakafanana nemapazi emuvhaini. Tinoda mivhaini yatinokura tichibva pairi. Tinokura maererano nemivhaini inotipa midzi. Zvitarisiro zvedu pamwe nebudiriro yedu ndizvo zvinoumba zvatinozova. Mivhaini yakasiyana-siyana. Kune mivhaini yemafungiro orusarura, mivhaini yezvitendero zvine maitiro azvo, mivhaini yezvinokwevera zvapasi pano, mivhaini yemafaro, mivhaini yezvematongerwo enyika. Tikabatirira pamivhaini yenhema tichaumbwa zvatiri nemivhaini iyoyo.
VaJudha vatanzwa muShoko Rakanaka vainyatsoziva muvhaini wavanofanira kubatirira pauri. Kazhinji kwazvo muChitenderano Chakare vana veIziraeri vainzi mivhaini (Nziyo 80:8; Izaya 5:7; Hoziya 10:1) yakadyarwa naMwari pachake (Nziyo 80:15; Jeremiya 2:21). Asi ivo vainyanyokoshesa mufananidzo wemuvhaini uyu maererano nenyika yavo nerudzi rwavo. Jesu aivati iye ndiye muvhaini wechokwadi zvichireva kuti muvhaini unobatanidza kwete kupatsanura. Jesu ndiye muvhaini wechokwadi anokunda mivhaini yemamwe mafungiro, mivhaini yemamwe mapoka inotirasisa.
Gondo ratanzwa nezvaro raiva rakafanana nebazi riri pamuti usina kukwana ndosaka rakararama upenyu hwenhema kweupenyu hwaro hwose. Dai imwewo shiri yakangwara yakariudza chokwadi ringadai risina kurarama sehuku iro riri gondo. Ringadai rakakwanisa kubhururuka zvinofadza uye nehunyanzvi semamwe makondo. Nhasi shoko iri rouchenjeri riri kutsinhirwa kwatiri. Tinofanira kurega kuzviona maererano nenyika yedu chete, kuzviona maererano nekuwana kwedu, kuzviona maererano nezvigaro zvedu, ganda redu, hurume kana hukadzi hwedu. Tinofanira kuzviona semapazi aKristu, vanhu vamwechete. Tikadaro tinobva tabereka michero yakanaka, yakafanana neyakaberekwa neKristu pachake.
