© Mukakope nhaurwa iyi musina mvumo
Mitemo
Dzika mitemo mishoma uye yakajeka pamusoro pehunhu nekukurukurirana anotarisirwa mumba menyu. Unogona kuti, ‘Mumba muno munotaurwa noruremekedzo uye atisvotesane namazita’.
Zvinobatsira kana mukagadzira mitemo iyi muri pamwechete nemwana nokuti anozorangarira kuti akabatsira pakugadzirwa kwemitemo iyi uye akabvumirana nayo.
Nangana nemaitiro chete
Kana uchitsiura mwana nangana nemaitiro ake uye nezvaunonzva pamusoro pamaitiro aya. Rega kutaura pamusoro pezvaari. Kunze kwokuti ‘Uri nhunzvatunzva’ edza kuti ‘Ndinorwadziwa paunotaura sezvizvi kwandiri’. Budawo pachena maererano nezvaunozwa asi uchitaura zvakanaka. Somuenzaniso ‘Ndiri kunzwa kukutsamwira parizvino. Iwe uri kunzwa sei?’
Dzikai migumisiro mishoma yamaitiro asingagamuchirwe, akaipa. Unogona kuva nemigumisiro yemaitiro ekusvotesa, kunyomba kana kutaura zvakaipa kune vamwe.
Dzikama
Zvakakosha zvikuru kudzikama kana mwana wako achinyenama pamunoedza kukurukurirana. Mira, tura befu wozoenderera mberi nezvawanga uchida kutaura wadzikama.
Nyevenuka
Kusekedzana kunonyevenutsa zvinhu, kunounza maonero matsva uye kunorerutsa mafambiro ehurukuro. Kunyevenuka kunobatsirawo kupodza zvinhu – asi usait seuiri kuusaswereredza, kuseka kana kusvotesa.
Furatira zvimwe
Usacherechedza kuzunza mapendekete, kufinyamisa kumeso netumwe twakadaro kana mwana wako achiratidza unhu hwakanaka nguva zhinji.
Tarisa kunzwisisa kwako
Dzimwe nguva mwana anotadza kuremekedza asina chinangwa chokusakuteerera. Zvinobatsira kutaura naye sezvizvi: ‘Mashoko ako aratidza kusaremekedza. Ndizvo zvawanga uchireva here?’
Rumbidza mwana wako paanotaura zvine ruremekedzo. Kana ataura zvakanaka muudze. Muratidze kuti unoziva kukosha kwemaonero ake.
Iva muenzaniso wakanaka.
Paunenge uine mwana wako, edza kutaura pamwe nokuita zvaunoda kuti ataure nokuita kwauri. Kana uchitaura zvinyadzi kakawanda mwana wako anogona kutadza kunzwisisa kuti sei iye achirambidzwa iwe uchizviita.
Musakakavadzana
Kukakavadzana nemwana hakuwanzoshanda. Kana tikatsamwa, tinogona kutaura zvinhu zvatisingarevi uye zvatinodemba. Zvinobatsira ndezvekuzvipa iwe nemwana wako nguva yekudzikama.
Kana wakatsamwira kana kuti uri pakati pekukakavadzana, zvakaoma kugadzirisana zvakanaka nokuudza mwana wako zvauri kuda wakadzikama. Zvinobatsira ndezvekuudza mwana wako kuti unoda kutaura naye mowirirana nguva.
kuzvichenesa hakuwanzobatsiri.
Edza kusatora zvinhu sezvakanangana newe nguva dzose. Pamwe unozoona kuti mwana wako ari kuedza kuzvimiririra.
Kunyangwe uine ruzivo rwakawanda maererano nohupenyu kupinda mwana wako, kunyanyomutsanangurira kunomusvibisa mwoyo agosvika pakurega kukuteerera. Kana uchida kuti mwana wako akuteerere unofanira kupedza nguva uchimuteererawo.
Kusimbirira zvinhu hakuna zvakunobatsira. Kunondowedzera kushungurudzika kwako, uye mwana wako anogona kungoisa zvigunwe munzeve.
Kusvotesa
Kusvotesa mwana kunoita kuti akuvenge uye aswedere kure newe.

