1. Kusarudza
Chokutanga unofanira kusarudza.
“Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi iriko shamwari inonamatira kupfuura hama.” (Tsumo 18:24).
Chirevo ichi chinotiyeuchidza kuti munhu wose haagoni uye haafaniri kuva hama yako yepadyo. Unaku hunofanira udarika huwandu panhau yeushamwari. Sarudza shamwari dzako nohuchenjeri uye wobva ramba uinavo.
Unofanira kusarudza ushamwari zvakanaka nokuti shamwari dzakaipa dzinounza matambudziko.
“Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Tsumo 13:20).
Unhu hunobatira pamwe nokudzidziswa.
“Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha; Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo” (Tsumo 22: 24-25).
2. Tsvaga wapadhuze
Ukama hunosimba kana muri pedyo. Kuva kure nekure kunoita kuti ushamwari huome. Unoda shamwari dzinogara pedyo newe.
“Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba kwomunun’una wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munun’una uri kure” (Tsumo 27:10).
Izwi rokuti “muvakidzani” rinoshandura shoko rimwechete rechiHebheru se “shamwari.” Izvi zvinotiyeuchidza kuti ushamwari hunechekuita kwete nekugovana zvido chete asi kuva panzvimbo imwechete. Kana shamwari dzikasava pamwechete dzinoramba dzichiswedera kure nakure.
3. Miganhu
Iva nemiganhu. Ziva nguva yekumbosiya shamwari yako iri yoga. Dzidza kupa shamwari yako mukana wokuva pachake.
“Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.” (Tsumo 25:17).
4. Humwe
Munofanira kuva nezvinokubatanidzai. Ushamwari hunoumbwa navaviri. Muushamwari hwechokwadi, mose munogoverana. Mumwe nomumwe anoita pake, munobatsirana. Kuti uve neshamwari, unofanira kuva shamwari.
“Mafuta nezvinonhuwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka kwoushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya.” (Tsumo 27: 9).
“Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.” (Tsumo 27:17).
Ushamwari hunoda kupindirana nekugoverana zvinhu zvimwechete. C. S. Lewis anotsanangura kusiyana kworudo noushamwari:
Tinoona mufananidzo wevanodanana vakatarisana asi shamwari dziri parutivi-neparutivi; maziso avo akatarira mberi … CHinoita kuti tiwane shamwari ndechekuti panezvatinofanira kuda kunze kwoushamwari … Ushamwari hunofanira kuva hwechimwe chinhu … avo vasina chinhu Havana chokupa; avo vasina kwavari kuenda havana vafambidzani.
Ichi ichokwadi. Ushamwari hunoumbwa nechimwe chinhu chakaita sekufarira mabhuku, mimanzi, mafirimu, mitambo imwechete, daidzo imwechete zvichingodaro. Shamwari yako inogona kusafarira zvose zvaunofarira asi mune chimwe chinhu chinokubatanidzai.
Shamwari inofanirawo kuva inokurodza. Simbi dzinorodzana. Shamwari yakanaka haisi iyo inongogoverana newe zvekufarira chete asi inokuita kuti ufunge zvitsva, utange zvitsva; inokubatsira kugadzirisa utera hwako.
5. Ruremekedzo
Ushamwari hunoda ruremekedzo. Ruremekedzo ndiyo nheyo yehukama hwakanaka. Imwe yenzira dzinokosha dzatinoratidza ruremekedzo ndeyokuti tinotaura sei neshamwari dzedu kana dzisiri pedo.
“Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe; Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma.” (Tsumo 25: 9-10).
Neimwe nzira, usatarisira kuchengetedza shamwari kana uchiinyeya isipo. Shamwari yakanaka inoziva nguva yokutaura uye nguva yokunyarara.
“Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere.” (Tsumo 11:12).
6. Buda pachena
Ruremekedzo runoenderana nokubudirana pachena.
“Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa. Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsoda kwomuvengi kunonyengedza.” (Tsumo 27: 5-6).
Shamwari yechokwadi inokubaya nemberi. Tsvaka shamwari dzinozotendeseka kwauri, kunyange dzichizokurwadzisa norudo.
7. Ruregerero
Hapana ushamwari hunorarama pasina kukanganwirana.
“Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana” (Zvirevo 17: 9).
Izvi zvinotidzidzisa kuva nerupo pakupa chipo chekuregerera kushamwari dzedu, nekufukidza zvikanganiso zvavo. Shamwari yechokwadi inononoka kuona zvikanganiso zvako. Shamwari yechokwadi haikurasire kure nokuda kwetunhu tudiki twamunenge manetsana.
8. Kuramba muchidana
Shamwari yakanaka inoramba iinewe.
“Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika. 18 Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso” (Zvirevo 17:17).
Mwoyo wehushamwari kuramba muri murudo. Chiyero chikuru cherudo kuzvipira.
“Hakunomunhu unorudo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake vupenyu bwake” (Johani 15:13).
Izvi ndizvo zvakataura neshamwari huru, Jesu pachake, shamwari yevatadzi, uyo ane kukanganwira kusingaperi, ane rudo rusingambofi.
