© Musakope nhaurwa iyi musina mvumo.
Sei tichipiwa mitemo?
Mutemo wakapihwa kuvana veIziraeri kuti vave nouchenjeri. Vakaupihwa kuti usimbise ukama hwavo naMwari uye kuti vagarisane zvakanaka munharaunda yavo pamwe nemusangano ravo rokunamata.
Mitemo iyi inoitirwa kuti itibatsire kuva sangano dzvene, sangano rinonamata Mwari mumweya nomuzvokwadi, sangano rinogara muruenzaniso nomurudo. Tinoitirwa kuti tiremekedze vavakidzani vedu uye tiremekedzane isu pachedu. Pokupedzisira tinotarisirwa kuziva, kuremekedza nokunamata Mwari musiki wedu.
Mitemo gumi mazano makumi.
1. Anotiratidza zviri Mwari
Anotiratidza uyo anoda kutivaka, anotidzidzisa kuti kuba kwakaipa, upomwe hwakaipa etc. Havasi vakawanda vanovimbika zvokuti vanoda kutivaka. Vazhinji vanouya kwatiri vachida kutirasisa, kutibira nokutinyepera. Iye anouya nomwoyo munyoro achitivaka.
2. Anotitsiura
Mitemo gumi mazano anotiratidza zvatiri. Iwe uri munhu akaita sei? Uri munhu here anofanira kuyeuchidzwa kuti remekeddza Mwari, midziyo yavamwe, upenyu hwavamwe etc? Mazano aya anotiti tisabe, tisaitire vamwe utsinye, tibate vamwe noruenzaniso.
3. Anotidzidzisa
Mitemo gumi mazano anotidzidzisa. Tinodzidziswa kuvamba nzira itsva, kufamba nenzira yenyasha dzaMwari. Mitemo yose iyi inotidzidzisa kupa pane kutorera, ruenzaniso pane utsinye, kuvimbika pane kunyengedza, kuzvidzora, kubhadhara zvikwereti nenguva, kuita zvinhu nomwoyo wose, kuita vimbiso dzisiri dzemanyepo etc.
4. Vimbiso
Mitemo gumi zvivimbiso. Mwari anovimbisa kuti achanyora mitemo mitsva mumwoyo yedu. Anobvisa mitemo yake mupapepa ezvinyorwa zvinoera achiudzika mumwoyo yedu. Isu tinova vanhu vanoremekedza mitemo gumi kana ikasava mazwi atinoverenga chete asi atinorarama uye agere mumoyo medu.
Mararamiro evana vaMwari
Mitemo Gumi inotidzidzisa mararamiro anofanira kuita Mwana waMwari.
- Mwana waMwari anofanira kunamata Mwari oga kwete zvimwe zvinhu zvakaita sevaimbi, vezvematongerwo, vafundisi, mari, zviwanikwa, bonde nemotokari dzinoshamisira. Mwari ndiye anofanira kuva wokutanda muupenyu hwovana vake.
- Mwana waMwari anoziva kukosha kwamazita saka haadane nhando zita raMwari. A brand is important and must be protected all the time.(Econet)
- Mwana waMwari anosiira Mwari zuva resabata nokuenda kumisa uye kurega kutungamidza mamwe mabasa nezvimwe zvinhu. (attention)
- Mwana waMwari anoremekedza vabereki vake nevamwewo vakuru vake vakaita savadzidzisi, mapurisa, vafundisi etc.
- Mwana waMwari anoremekedza upenyu sechipo chinobva kunaMwari pachavo.
- Mwana waMwari anoremekedza mhiko dzomuchato dzaakaita nokusaita upombwe.
- Mwana waMwari haabe kana kunyengedza.
- Mwana waMwari haanyepi nokuti anoziva kuti Satani ndiye zibaba remanyepo ose.
- Mwana waMwari haarwadzirwe kubudirira kwavamwe asi anototenda Mwari kuti vakamutenderedza vari kubudirira.

Hello Fr Mark
I kindly ask for permission to copy yoyr nhaurwa ye Mitemo gumi for evangelizing purposes.
Regards
Mai Soko.
Get Outlook for Android
________________________________
LikeLike