Mwari akatumira Mwanakomana wake kuti asimudzwe pachipiyaniso kuitira kuti ani naani anomutarira nechitendero awane upenyu husingaperi.
Asiwo muchinjikwa wataurwa uyu mucherechedzo wokupikisa. Kristo nyakuuraiwa ndiye nyakutonga pasi rose. Saka zvinoita sokunge kukundwa kutova kunda nokuti kuzvipira kwaakaita kwakavamba umambo hwaMwari. Muutera hwaKristo ndimo mune simba rake. Zvose zviri pasi pesimba raMwari. Mwari anoshandura kukurirwa kuchiva kukunda kuna vanovimba naye.
Tinofanira kubata mashoko aya mumatambudziko atinosangana nayo muupenyu. Muutera hwedu tinobatanidzwa nemuchinjikwa waKristo, tinopihwa simba. Hongu tingava nekurwadziwa kukuru, asi tinenge takasimba.
Zvichida wakarasikirwa nomudikanwi:
Mwanakomana, Mwanasikana, sisi, bhudhi, amai, baba, sekuru, ambuya…
Kuchema kwacho kukuru uye kunoita sedutu. Munguva ino uri kuvhiringika, munguva inotevera hauchanyaradziki. Paunosangana nechiitiko chakadai ndapota tendera muna Mwari. Dana kwaari. Mupe marwadzo ako. Uchaona kuti achakutakurira kusuwa kwako. Kushushika kwako kuchashanduka kuchiva munamato. Uchava nesimba nokuti Mwari achaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake.
Pamwe wakaodzwa mwoyo zvikuru.
Basa rawaifunga kuti harifi rakapera rakapera.
Korichi yawanga uchifunga kuti ichakugamuchira haina kukugamuchira kana kuti mhuri yako haikwanisi mari inodiwako.
Ukama hwako hwakaparara, ungava muchato wako kana ushamwari hwako hwawaikoshesa kwamakore.
Pamwe zvinhu hazvisi kufamba sezvawaitarisira.
Musande Teresa wokuKarikata akati, ‘Kana uchida kuti Mwari anyemwerere, muudze urongwa hwako.. Zviri nyore kuodzwa mwoyo nenyika. Asi une sarudzo, sarudzo yokubvumidza kuti misodzi ikunyudze kana kuvimba naMwari kuti ape chirevo kunhamo yako. Ita kuti iye aise zvose pasi pesimba rake. Achaita saizvozvo.
Upenyu hwakaoma haungahugoni woga. Unoda rubatsiro. Mwari haadi kuti urwe woga. Anoda kukurapa nerudo rwake. Vimba naye. Mwari ane simba rokuisa zvinhu zvose pasi pesimba rake.
Kana ukaziva kuti haugoni kuita zvose woga wodana kuna Mwari kuti akubatsire uchava nesimba. Hapana chichazombokukurira nyange chine simba rakakura sei.
Nhasi namatira simba rokuzvidukupisa nokushinga kuvimba nesimba raMwari.
