Nhanganywaya
Vamwe vanhu vanetsika yokudhonza vanhu vasingaite vachipinda navo muukama hworudo. Havagoni kukweva vanhu vasvinu. Haano mazano anokubatsirai kutsvaga munhu akafanira:
- Usaita sarudzo nekuda kwekutya. Kazhinji vanhu vanosarudza mudiwa wavo kana kuramba vari muukama husina mufaro nokuda kwekutya. Kutya kuva woga kana kusiyana nemumwe wako. Asi zviri nani kuva woga nekumirira munhu chaiye pane kuita sarudzo inotungamirirwa nokutya. Kuita sarudzo nokuda kokutya kunokonzera kuvhiringidzika nokuzvidya mwoyo.
- Ngwarira kujambira muukama wobva watozvipira chiriporipo. Muedzo ndewekuda kumhanyira kupinda muhukama hwakagadzikana nokukurumidza paunosangana nemunhu anokubata mwoyo asi usinganyatsomuziva. Nekufamba kwenguva unogona kuzoona zvimwe zvinhu zvausingafarire paari kana kuti hamupindirane zvachose. Nekuda kwekuti unenge wakurumbidza kuperera paari zvinokurwadza zvakasimba. Usamhanyire kuperera, tora nguva yako uve nemwoyo murefu usati wasarudza kuperera pane munhu.
- Ipa mukana kumunhu waungangodaro usingapi mukana. Usakurumbidza kuti uyu haaite nekuti ‘haisi type yangu’. Rangarira kuti rudo runokura nokufamba kwenguva pamunotanga kuzivana unhu hwenyu zvakadzama. Vamwewo vanhu vanotora nguva yakarebesa vachida kuziva munhu vasingatore mukana wekupinda murudo. Mvura yakanyarara kazhinji yakadzika saka dzimwe nguva ukasatora mukana haumbofa wakaziva udzamu hwemunhu.
- Usatarisira zvakawandisa. Vazhinji vane hunhu nezviito zvakawanda zvavanotarisira pane anozova mudiwa wavo. Ukanyanyosimbisa zvitarisiro zvako dzimwe nguva uchapfuurwa nemunhu akanaka. Hazviiti kuwana munhu akarurama.
- Cherechedza unhu hunoratidza kuti munhu anoita mudiwa akanaka asi usave nenhongwa. Ongorora kuti ane tsitsi, akavimbika, akatendeseka, ane mutsa uye anogamuchira pfungwa dzevamwe here. Kana munhu aine unhu uhwu edza kuswedera padyo naye kunyange achiratidza sokunge asiri mhando yako. Pane zvimwewo zvaunogona kutarisa zvakaita se ‘mweya wekuseka’, ‘kuenda kunyika dzakawanda’ , ‘kugona kutamba’ asi zvinhu izvi hazvina kukoshesesa.
- Usatungamirirwe neruchiva. Vazhinji vanotirira zvinhu zvenhando kubva kune mumwe munhu nekuti vakaperera. Havi dzakanaka asi hadzigare dziripo. Usapesanise kunzwira munhu havi nekupinda murudo chairwo. Nyange uchinyatsonzwira munhu funga nezveramangwana.
- Tsvaga munhu waunosununguka kuva padyo naye. Kuva nemunhu asingakutonge anokugamuchira chinhu chakanaka uye chinokupa rusununguko. Zvinooma dzimwe nguva muupenyu kuwana munhu anokuita kuti uve zvauri. Ukama hunofanira kuita kuti unzve kuchengetedzwa nekudekara pane kurarama upenyu hwemanyepo.
- Usamirire kuti munhu ashanduke nekuti hazviitike. Ukaramba uri muukama hwaunonyatsoziva kuti haushande unenge uchitozvivharira mukana nemunhu akakufanira. Iva nechokwadi nezvaunogamuchira uye zvausingatambire. Kana uchinyatsoziva zvaunoda zviri nyore kubuda muukama ukaona kuti hapana kwahuri kuenda.
- Ukasazviomesera unova nomufaro, unosununguka uye unodhonza munhu akakufanira.
- Kazhinji munhu anokuudza zvaari – unofanira kuteerera! Kana munhu akati ndinombomudhura kana kuti handigone kuva nemunhu mumwechete teerera. Usati pamwe achachinja.
- Tsvaga munhu anemwoyo munyoro nerudo. Zvinobatsirawo kuita hama dzemumwe wako vanemwoyo wakanaka, zvinoita kuti upenyu hureruke.
- Wana munhu waunogona kukurukura naye. Nekufamba kwenguva unhu hwemunhu hunokosha kudarika chimiro chake kana chigaro chaainacho. Unogona here kutaura nemumwe wako nokuchemera pabendekete rake?
- Natsa kuti munopindirana pane zvimwe zvinhu zvakakosha. Kana iwe uchida vana mumwe wako asingadi zvinogona kunetsa. Kusiyana kwechitendero nezvematongerwo kwakakosha. Zera rinofanira kutariswawo zvekare.
- Ngarira munhu anoda kuti muroorane chiriporipo. Zviri nani kutora kanguva kekuziva munhu pane kuzodemba.
- Tsvaga munhu anoita kuti useke anokufadza. Kana munhu achiudza nyemwerero paunenge wakasuwa chinhu chikuru ichocho.
