Dzidza kuona kana runoita se‘rudo’ kuri kushungurudzwa. Dzimwe nguva vanhu vanochengera vachishandisa manzwiro erudo emumwe wavo. Kushungurudzwa kunouya nenzira dzakawanda, as iwe unofanira kugona kuona yambiro yacho ugobatsirika.
- Nzira inowanzoshandiswa ndeyekupiwa rudo zvine miko, kudiwa maererano nezvawaita kana kusaita. Izvi zvinogona kuratidzwa nemashoko kana maitiro akaita sokuti, ‘Dai waindida chaizvo wai …’ kana kuti ‘Ndinokuda asi …’
- Imwe nzira inoshandiswa pakushungurudza ndeyokutyisidzirwa kurambwa kana kurega kudiwa kana ukasaita zvinodiwa. Somuenzaniso, Kana ukasa … ndinokuramba, handichazokudizve.’
- Vashungurudzi vanogonawo kutamba nekutya kwako kukuita kuti uteerere zvavanoda. Somuenzaniso vanogona kukuudza kuti ‘hapana munhu achakuda semadiro andinokuita.’ Kana kuti ‘hapana munhu achakuda kana ndikakusiya.’
Kana ukaitirwa chimwe chezvinhu izvi muukama hwako ziva kuti ungangodaro uchishungurudzwa. Kushungurudzwa hakufanire kuitika. Wakasikirwa zviri nani. Taura nomupriste ubatsirwe.
