© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Rungano urwu rwunotiratidza mhando nhatu dzevakokwi. Kune vakokwi vekutanga vanobvuma daidzo yavo, asi mabiko paanosvika vakokwi vanotanga kuzengurira, vanotanga kupa zvikondero zvenhando.
Pane vakokwi vanoenda havo kumabiko asi vanoenda vasina kugadzirira zvizere, vanoenda vasingakodzere.
Vakokwi vokupedzisira vanobvuma kukokwa voenda nehanzu dzakakodzera vakagadzirira.
Vakokwi vekutanga
Vakokwi ava havasi vatadzi kwete. Havana chakaipa chavakaita. Mumwe aive papurazi rake achirima, mumwe aiita basa rake rinomupa mari. Mabasa aya mabasa akanaka anopa kurarama.
Dzimwe nguva zvinhu zvinotibvisa pana Mwari hazvisi zvinhu zvakaipa kwete asi zvinhu zvakanaka. Kuita hanya nebasa rako hachisi chinhu chakaipa, asi kana basa rako rave kukutadzisa kuuya kumisa panenge pave nedambudziko, basa rako rinenge rave mhingaidzo.
– Patakapinda muzvita takati tinoda kutara varwere, asi hatisi kuvhiringwa here neumwe urongwa?
– Savatenderi takati tinoda kugara rupenyu rwerunamato, asi tiri kuwana nguva here yekunamata?
– Kupa, kuvimbika, kunwa doro, kuva nemhuri.
Mukokwi asina hanzu yemuchato
Kana ukaenda kunotamba unofanira kupfeka zvinoenderana nekutamba. Kana ukaenda kumuchato unofanira kupfeka zvinoenderana nemuchato. Uyu wekuenda kumuchato asina kupfeka zvakafanira anoratidza kuti muviri wake waive kumuchato asi pfungwa dzake nemweya wake zvakanga zvisiko. Akanga ari pamhemberero asi norumwe rutivi akanga asipo. Jesu haadi maitiro akadaro ehunyengedzi. Zviri nani kusavapo pane kunyepedzera kuvapo. Munhu wose nokokwa kumabiko. Munhu wose akasununguka kuuya kumabiko. Asi munhu wose anofanira kugadzirira zvizere nokuva nezvinodiwa zvataurwa naPauro ‘rudo’…….
