Nhanganyaya
Nzira yeMuchinjikwa itsika yechinyakare muChechi yeKatorike inodzokera mazana mana emakore Kristo abva mukuberekwa ap vanhu vaienda kuNyika inoera kunofamba nzira yakafambwa naJesu.
Maitiro edu eNzira yoMuchinjikwa anogona ku va akapfuma, aneudzamu, uye anobatsira, asi tinogonawo kukanganwa kukosha kwayo tigotadza kuirarama muhupenyu hwedu.
Pane zvikonzero zvisere zvokuita Nzira yoMuchinjikwa zvandinoda kukusiirayi
1. Inotiita kuti tivimbe naMwari
Muchinjikwa waKristu une rudo rwose rwaMwari. Pauri tinowana tsitsi dzake dzisingaverengeki. Pauri tinoisa kuvimba kwedu kose nokutenda kwedu kwose. Ngatizviisei mumaoko aJesu, haambofa akatirasisa.
2. Inotipinza murungano rwaJesu
Mushure mokuita nzira yoMuchinjikwa unoziva waunoda kutodzana naye – Pirato? Simioni? Maria? Jesu anenge akakutarisa achibvunza: Unoda here kundibatsira kutakura muchichikwa? Imi nesimba ramuinaro (zvikuru sevechidiki) muchapindura muchiti kudii?
3. Inotiyeuchidza kuti Jesu anotambura pamwe nesu
Muchinjikwa waKristu unotakura kutambura uye zvivi zvavanhu, kusanganisira zvedu pachedu. Jesu anobvuma zvose izvi nemaoko akatambanuka, achitakura michinjikwa yedu pamapfudzi ake achiti: ‘Shinga! Hautakuri muchinjikwa wako woga! Ndinotakura newe. Ndakakunda rufu uye ndakauya kuzokupa tariro, kuti ndikupe hupenyu.
- Inotisungira kuita
Muchinjikwa waKristo unotikurudzirawo kuti tizvibvumire kuputirwa nerudo rwake. Unotidzidzisa nguva dzose kutarisa vamwe netsitsi uye neunyoro, kunyanya avo vanotambudzika, avo vanoda kubatsirwa, neavo vanoda shoko kana kushandirwa.
5. Inotibatsira kusarudza kumira kana kusamira naKristo
Muchinjikwa anoratidza kuti mukutonga kwake mMwari anotida. Ngatiyeukei izvi: Mwari anotiratidza rudo rwake mukutitonga kwake. Kana ndikabvuma rudo rwake ndinoponeswa, kana ndikaruramba, ndinotongwa, kwete naiye nokuti haandipe mhoswa, asi kuzvitonga ini pachangu.
6. Inoratidza mhinduro yaMwari kuzvivi zvapasi
Muchinjikwa izwi raMwari raakapindura uipi hwapanyika. Dzimwe nguva zvinogona kuratidzika sokuti Mwari hapana zvaanoita maererano neuipi. Asi Mwari akataura, akapindura, uye mhinduro yake ndiyo Muchinjikwa waKristu: shoko rinova rudo, tsitsi nokukanganwirwa.
7. Inoita kuti tisanyunyute rudo rwaMwari
Muchinjikwa wakapei kune avo vakauringa neavo vakaubata? Muchinjikwa wakasiira mumwe nemumwe wedu chii? Unopa hupfumi husingagoni kupihwa naani zvake: chokwadi cherudo rwakatendeka rwaMwari kwatiri.
8. Inotitungamirira kubva pamuchinjikwa kusvika
O Jesu, tititungamirire kubva pamuchinjikwa kusvika pakumuka muvafi mutidzidzise kuti zvakaipa hazvina izwi rekupedzisira, asi rudo, ngoni nekuregererwa. O Kristo, tibatsirei kuti titizve: ‘Nezuro ndakarovererwa pamwe naKristu; nhasi nzasimudzirwa pamwe naye. Nezuro ndakafa pamwe naye, nhasi ndinorarama pamwe naye. Nezuro ndakavigwa pamwe naye, nhasi ndamutswa pamwe naye.
