Munyai: Vana Baba ndinokumbirawo kuti titange tanamata tisati tafambisa nyaya dzedu.
Dare: Namata hako mukuwasha
Munyai: Ngatitsinzinyei tinamate … Muzita raBaba NeroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Mwari baba ndauya pamberi penyu. Ichokwadi mari hatina, asi munoti mushoko renyu ‘Uyai kwandiri imi makaneta makaremerwa’. Tinounza kwamuri mutoro wokuroora tenzi. Tinodzinga mweya wekukara mari pahama dzemukadzi Baba. kunyanya ruchiva rwezvinhu zvenyika ino ngarubve kunanababa vemukadzi muzita raJesu. Mweya wemadzinza usingadi kuti mwanasikana aroorwe ngaubude muZit raJesu. Taramba mweya wemheremhere panhaurwa dzino. Mwari wevarombo! Ndakumbira nokutenda kuti kana mahara chaiwo mukadzi tinopihwa pano… Muzita raBaba reroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
