Rimwe zuva vamwe baba vanemakore 75, VaUpenyu, vaibva kubasa. Vakati vachingoti vhuu pamba ndokudonha pakarepo vakafenda.
Mukadzi wavo achiona izvi akadaidza vavakidzani vake vakamubatsira kumhanya nemurume wake kuchipatara.
Chiremba achiona VaUpenyu anoti ‘Vanofanira kuiswa pamweya (oxygen) kwemaawa 24.’
Mangwana acho kuseni VaUpenyu vakaita zvakanaka. Zvichidai izvi chiremba akauya nebhiri re$500.00. VaUpenyu vachiona bhiri vakatanga kuchema. Chiremba akati, ‘Musacheme henyu. Ndinobhadhara ndega mari iyoyo. Imi munobhadhara inenge yasara pashoma nepashoma.’
VaUpenyu ndokuti, ‘Kwete, mari harisi dambudziko. Ndinokwanisa kuibvisa nhasi chaiye. Kuchema uku ndirikufunga kuti ko kana mweya wekufema kwema maawa 24 uchiita $500.00 ko Mwari vaizodawo marii pamakore 75 avakandichengeta?’
Vonga Mwari paunomuka uri mupenyu nguva dzose!
