Nhanganyaya
Nguva yakakodzera yewanano inosiyana kumunhu wese ineenderana nemamiriro ezvinhu. Zvinoenderana kuyaruka kwemunhu zvakasanganikwa nemunhu pakukura kwake. Vamwe vanhu vanenge vakagadzirira kuroorana pa18, uye vamwe vanenge vasina kumbogadzirira.
zivanai
Vanotarisira kuroorana vanofanira kuve nechokwadi kuti vanozivana zvakanaka. Vanofanira kuzivana maonero avo pamusoro pe:
- kuroorana,
- mari,
- hama,
- kurera vana,
- unhu,
- mabasa anoitwa nomurume kana nomudzimai pamusha
- mumwe chete wavo here kana vose vari vaviri vachange vachishanda kunze kwemusha,
- kukura kwemumwe pamweya.
Vazhinji vachitora shoko remumwe wavo sezvariri paanoti ndiri muKristu kana kuti izvi ndozvandiri vozotoziva pava paya kuti vainyeperwa.
Kuroonarana chibvumirano naMwari
Kuroorana hakusi kungozvipira chete asi isungano naMwari. Chivimbiso chekugara nemumwe munhu kwehupenyu hwako hwose zvisinei kuti akapfuma, murombo, ane hutano, anorwara, vanodarikaakafutisa, akawondoroka kana kuti anobhowa here. Imba yechiKristu inofanira kutsungirira munazvose kusanganisira kurwisana, kutsamwa, kuparadzwa, njodzi, kuora mwoyo, kusuruvara uye kusurukirwa. Muchato haufaniri kupindwa nepfungwa yokuti tinogona kurambana nyange zvakaoma.
Wagadzirira kuroorana kana:
- usisatsvage mudiwa akarurama – Hakuna munhu akarurama. Munhu wose ane zvikanganiso. Hapana munhu mumwechete anopfuura muupenyu asingasangani namatambudziko. Kusatoti waziva chokwadi ichi ucharamba usina kuroorwa kana kuroora (kana kana kuti uchapinda mumuchato usina mufaro).
Handisi kuti unofanira kusiya tsika dzako uye zvaunokoshesa. Hapana chakaipa kutsvaka mudzimai akanaka uye ane rudo neutano. Asi tarisira zvinoitika, usazvinyepere.
Muchato hakusi kuzvisungirira paururami (perfection). Muchato kupira upenyu hwako pamunhu asina kururama – munhu waunoda makatarisana nehondo, maronda, zvikanganiso nokusarurama.
- usisatarisire kuti mumwe wako agutse zvido zvako zvose – Kunyange zvazvo Mwari akatisika kuti tive noukama (Genesi 2:18), haana kutisika kuti tiwane kuzadzika kwose mune mumwe munhu. Pane zvakawanda zvatinofanira kuita isu pachedu kuti tiwane rugare uye kugutsikana. Uye pane zvimwe zvinogona kukutswa naMwari chete.
- wakagamuchira dzokororo yehupenyu mazuva ose – Upenyu haisi pati nguva dzose. Pane zvikwereti zvinoda kubhadharwa, ndiro dzinoda kusukwa, pasi panoda kutsvairwa, mari inoda kushandirwa, uye vana vanoda kuyarutswa. Anoda kumukirwa, urwere hunouya usina kugadzirira, uye pane nhengo dzemhuri dzinoshungurudza. Chokwadi ndechokuti nguva zhinji hapana chitsva mupenyu zvizhinji kudzokorora chete. Chokwadi ichi hachizochinja nokuti watora mhiko dzomuchato.
- wakagadzirira kuda – Nguva zhinji tinogamuchira rudo. Vabereki vanotiitira zvizhinji. Shamwari dzinotigamuchira, dzinoita kuti tinzwe kudiwa uye kukosha. Vamwe vanokosha vanotisimbisa vachitizadza nomufaro. Kunyange zvazvo pasina chakaipa neizvi, hazvisi mufananidzo zakazara worudo. Rudo rusingaperi haruna divi rimwe. Kune mativi maviri. Muwanano – kana hukama hupi zvahwo- vanhu vaviri vanofanira kugamuchira nokupa rudo. Muuchato hamufanire kuva nemutauro wokungodiwa chete.
- wayaruka – Kukura kwako pachako, uye kwomumwe wako, kucharatidza kuti munogona sei kushanda pamwe chete muwanano uye kuti uchatsungirira here kana kuti uchakundikana. Saka mumwe nomumwe wenyu anofanira kuongorora upenyu hwake parizvino:
- hwekunamata,
- manzwiro,
- mararamiro,
- zvemari,
- nyaya yekuzidzora,
- ruremekedzo kuvanyamasimba,
- zvikwereti zvine mumwe,
- ukama hwemumwe wako navamwe vanhu.
- muine chitendero chimwe – Zvinonetsa kupinda muwanano nemunhu asiri muKristu iwe uri muKristu nokuti anopedzisira ave kudhonzera divi rausingadi. Usazvinyengedza kufunga kuti unokwanisa kukwevera munhu asingatendi pedyo naJesu; kazhinji iye ndiye angatokukwevera kure naJesu. Rangarir kuti unogona kuwira murudo nemunhu upi zvake waunofarira, asi hazvirevi kuti unofanira kuroorwa naye.
- mataura nezvemari – Puda pachena kune waunoda kuroorana naye maererano nemari yako uye iye anofanira kukubudirawo pachena maererano nemari yake uye kuti anoiwana sei. Tauriranai kuti mumwe nomumwe wenyu anoronga kuwana mari sei, kuishandisa sei, kuichengetedza sei uye kuigovera sei kana maroorana. Kana ukaona kuti mumwe wako haana hurongwa hwakajeka maererano nemari ngwarira kuzvisorera matambudziko mava muwanano.
- wazvipira – Kuroorana paChiKristu kunoda kuzvipira kwoupenyu. Saka iwe nemunhu waunenge uchifunga nezvekuroorana naye munofanira kutaurirana nyaya dzinotyisa dzakaita sokuti munezenge muchigadzirisana sei uye muchange muchipedza matambudziko amunozosangana nawo sei akaita seurwere nekushaya mabasa. Ona kuti muri vaviri makagadzirira here kuvamba upenyu hutsva, kusarambana zvachose, uye kutendeukira kuna Mwari.
- muchipindirana – Rangarira kuti nekuda kwekuti iwe unoda munhu hazvirevi kuti munhu iyeye anopindirana newe. Nyatsoongorora unhu namaitiro emunhu iyeye uone kuti munhu waungagarisane naye here kwamakore akawanda. Nyange hazvo usiri kutsvaga munhu akarurama siyana nemunhu asingapindirane newe nekuti anozokutemesa musoro.
