
CHERECHEDZA
NB* Chinangwa chechinyorwa chino hachisi chokuita kuti vashandi vave nhubu. Hachisi chokusvora vashandirwi vose. Chengetedza basa rako. Iva neukama hwakanaka nevaunoshandira. Usashungurudza vanokutungamirira. Chinangwa chechinyorwa chino ndechekukubatsira kana uri panguva yaChimbetu, nguva yakaoma pabasa.
Yambiro
Hapana nzira inganzi iri nyore kuti ukunde kana uchishanda nabhosi ane hutsinye. Dzimwe nguva zviri nani kufanofunga kuti ukasiiswa basa unoendepi. Dzimwewo nhambo mamiriro ezvinhu anongoda kuti usasiye basa asi uyedze kuwana nzira dzekurarama zvakaoma kudaro. Kunyange usina zvakawanda zvaunogona kuita zvishoma zvinotevera zvinogona kukubatsira.
Rangarira kuti vatungamiri vazhinji vanoshusha inyanzvi pakunyengedza, kutsvetera uye kutamba nepfungwa dzavanhu. Inyanzvi pakushungurudza mupfungwa, kutyisidzira (kuti unopererwa nebasa, mari yako inoderedzwa …) uye vanowanzoshandisa utera hwako kukudonhedza kana kukusiya wameduka usisavimbe nezvauri. Vatungamiri vakadai vanogona kushandisa mashoko nomutowo unokudzikisira nokukushungurudza. Kazhinji kwavari rinenge riri dambe rokuti kana vazodhinhiwa vanobva vakusvipa.
Funga nezvekutsvaga rimwe basa
Unogona kutsvaga mukana wokuchinja kambani. Asi ngwarira kuti bhosi wako ari kukushungurudza anogona kuva nesimba rokukuvhiringira zvinhu. Rangarira kuti nyange ukabva pakambani yaari anogona kutevera nerwesei achikukanganisira upenyu hwako.
Zano: Unofanirawo kuzvibvunza kuti kambani inobvumira mutungamiriri akadai kuti arambe ari pachinzvimbo chine chiremerera haina dambudziko here? Mhinduro yako inofanira kukuudza zvakawanda pamusoro pegadziriro yaunofanira kuita muupenyu hwako kana uchida upenyu hwokusashungurudzwa.
Muudze zvaunonzwa
Edza kuenda kuna bhosi wako anokushungurudza wotaura naye zvakajeka uchinanga pamusoro wenyaya usingatenderere uye usingawanzi hasha. Taura noruremekedzo zvichibva mukati memwoyo wako. Mabhosi anoshungurudza kazhinji anoshandisa utera hwako hwakaita sehasha saka iwe taura navo wakadzikama uye nehunyanzvi.
Edza kupinda naye muhurukuro dzinovaka
Edza kuita hurukuro nabhosi wako dzine chinangwa chokuronga zvinotarisirwa, zvinangwa uye mashandiro akanaka anotarisirwa mudhipatimendi raunoshandira mukambani. Zvakakoshawo kuti uedze kunzwisisa kana paine zvaunofanira kugadziriswa maererano namashandiro ako nokuti pamwe pane zvaunenge uchikanganisawo zvechokwadi. Unogona kukumbira kubatsirwa nemazano ekuti ushande zvakanaka uye kukumbira kuudzwa zvaunofanira kushandura nekugadzirisa. Vanhu vazhinji havaedze hurukuro nokuti vanenge vachishungurudzwa zvokuti havaone kukosha kwehurukuro.
Zano: Vamwe vakaita izvi zvikavashandira upenyu hukaita nani. Asi vamwewo vakazviita zvikaramba vakatsvaga kumwe kwekushandira. Fungisisa usati waita zvaunoita.
Tanga kuunganidza umboo
Vashandi vazhinji vanoshaya zvombo zvokurwisa kana bhosi wavo anovashungurudza akatanga kushandisa murau wekambani kuvheneka mashandiro avo achibatsirwa neboka rinoona nezvemashandiro avashandi. Pose paunoshungurudzwa tora bepa unyore manotsi. Ita zvose izvi wakachenjera, usabatwe. Tsvaga zvapupu muchinyararire. Mumanotsi ako tsanangura hunhu hwabhosi, zuva razvaitika uye maitikiro azvaita. Paunonobvunzurudzwa pota uchikumbira kujekeserwa. Teerera, dzokorora mashoko anenge achangotaurwa nabhosi kuitira kuti uve nechokwadi chokuti wanyatsomunzwa.
Endesa nyaya kuboka rinoona nezveukama navashandi mukambani
Dzimwe nguva zvakanaka kuti uendese nyaya yako kuboka rinoona nezveukama pakati pavashandirwi navashandi mukambani yenyu. Danho iri rinogona kushanda asi rinogona kukupandukira zvakare. Kana zvirizvo zvawazofunga kuita nyatsodoma kushungurudzwa kwako zvakajeka uye usingatenderere. Manotsi ako nezvapupu zvako zvinogona kukubatsira. Asi ngwarira kuti unenge wavamba chimurenga pazvinongosvika munzeve dzamaneja wako (paanoturirwa). Zvakadaro chinangwa chako ngachive chokuti kushungurudzwa kwako kupere kwete kuti iye adzingwe basa kana kumuitira utsinye.
Shandisa simba reboka
Kana udzvanyiriri hwamaneja huri pachena uye huchiitirwa munhu wose mukamumukira pamwechete zvinogona kuita kuti paitwe ongororo navakuru vakuru. Asi kana pakatanga kutsvagwa muroyi zvinogona kukuipira. Simba rako riri pakutaura wakatendeka uchingotaura chokwadi chete uye chinangwa chako chiri chokuti kushungurudzwa kupere kwete kuitira bhosi wako utsinye.
Tsvaga kuti mutemo unotii
Nyange hazvo paine zvakawanda zvinogona kunetsa pakushandisa mutemo, pamwe mutemo unogona kukununura ukanyatsoongorora kodzero dzako. Taura nenyanzvi inoona nezvemitemo yavashandi. Asi ziva kuti kana watora nzira iyi wamutsa chimurenga chinogona kupera zvisiri izvo. Unogona kukurirwa. Edza sokugona kwako kusashandisa nzira iyi asi woishandisa chete kana waiswa kumadziro.
Wedzera ruzivo rwako
Zvakaoma kana uri pakati pokushungurudzwa kuti ushande nesimba. Asi unofanira kugara uchiwedzera ruzivo rwako mubasa rako. Hazvinei kuti uri kufara here kana kwete, kuwedzera zvikiri zvako, ruzivo rwako nekuumba ushamwari zvinokubatsira kurarama mubasa rako. Kushanda nesimba kunobhadhara.
Siyana nazvo
Kana zvanyanya ziva kuti utano hwako hwakakosha kupinda basa. Mikana haiperi muupenyu. Unogona kuzowana basa risina kunaka serauinaro asi unowana basa. Funga zvokusiya kuitira kuti uchengetedze utano hwako. Basa rinokuparadza pamweya dzimwe nguva harisi rekusimbirira.
