Kana kuti Matanho 13 kune vanoda upenyu hwenhamo
Nhanganyaya
Pane vamwe vanhu vasingadi kurega hasha. Vamwe vanotonakidzwa nokushatirwa. Vanhu ava vanoziva kuti kushatirwa kunovagonesa kutyisidzira vamwe, kuzvitsaura, uye kushandisa vamwe. Kunyange zvazvo vanhu vakawandisa vasingaone hasha sechinhu chinokomborera pane vamwe vanoona sevanobatsirika nehasha dzavo.
Hasha unogona kuva muraramiro okusarudza. Mwari akasika munhu mumwe nomumwe nerusununguko rwokusarudza. Izvi zvinoreva kuti vanhu vanogona kusarudza nzira yavanoda kutevera muupenyu hwavo. Munhu wose anorarama upenyu hwehasha anenge asarudza kuita saizvozvo. Hapana munhu anobatirwa pfuti kuti ashatirwe. Vamwe vangati kutsamwa kwavo kune chekuita mashandiro asina kugadzikana emupfungwa. Vamwe vachataurawo kuti hasha dzavo dzinobva munhoroondo yemhirizhonga yemumhuri. Hongu hazvo, asi ichi hachisi chokwadi chizere. Sevanhu vakuru, tine simba rokusarudza kana kuramba tichichengeta kana kusiya zvakaipa zvatakadzidza tichikura. Zviri pachena, kuti tiri zvatinosarudza kuva.
Mazano anotevera anokubatsira kana uchida kugara wakatsamwa. Ukateedzera izvi nomazvo uchashatirwa semadiro ako:
Iva Nenhongwa
Dada nekuva anoda zvakaruramisa. Vamwe vevanhu vane hasha dzinobvira moto vanoda zvakaruramisa. Chii chakarurama pano pasi? Hapana chinhu chenyama chakarurama. Nokudaro, vanhu vanotarisira zvakaruramisa kubva kune vamwe vanotoodzwa mwoyo chete. Munhu ane nhongwa anoda kusi chinhu chimwe nechimwe nyange kaduku kose chiitwe zvakaruramisa. Vanhu vakadai vane mufananidzo wakanaka, wakajeka wekuti nyika inofanira kuva yakaita sei, uye havagoni kuwana mufaro kusvikira zvose zvaitwa nenzira yavanoti yakaruramisa. Munhu akadai achatsamwa achiedza zvakanyanya kuita kuti nyika ive yakaruramisa.
Usateerera Kufunga Kwavamwe
Mukukurukurirana, zvifunge iwe nemaonero ako pachako. Chimwe zvinhu zvikuru zvinoita kuti ugare wakatsamwa kusateerera zvakanaka. Tose tinoziva kuti kuterera kwakakosha pakutaurirana. Kana pane kugoverana kwakasimba mukukurukura panova nokunzwana nokudzikama. Oliver Mtukudzi anoti ‘Iwe wotaurawo ini ndichiteerera, ini ndotaurawo iwe uchiteerera … tichinzwana.’ Saka kana munhu achivavarira kutsamwa, hafaniri kubvumi kugoverana mukukurukurirana. Vamwe pavanenge vachidawo mukana wokutaura iye anenge akati takarasima nokuzvidzivirira. Achasimbiirira kuti hapana mumwe anoziva zvaari kutaura nezvazvo iye. Haafi akabvuma kuti zviri kutaurwawo navamwe zvine musoro. Ane chinangwa chimwe chete muhurukuro dzose: haazoregi kutaura kusvika apedza maonero ake ose, maonero acho haapedzi kutaurwa.
Svora Munhu Asingapindirane Nechitendero Chako
VaKristu vakawanda vane chokwadi chimwe. Vanoziva kuti vakarurama mune zvavanotenda. Vakawana chokwadi chakakwana. Izvi zvinogona kureva kuti munhu ane mamwe mafungiro ari kukanganisa. Vanhu vanoda kushatirwa vanoona vamwe vachirarama mararamiro avanoti akaipa vovazvidza. Panzvimbo pokuratidza rudo nokushivirira, vanhu vanovavarira kutsamwa vanozvidza. Vanoda kusava nechokuita vanhu vakadai vanonzi vatadzi.
Dada Nokuti Hauite Zvenhando
Usaseka kana kuva nenguva yakanaka. Sunga chiso. Zvitori nyore kugara wakasunga kumeso uye kuwana zvinhu zvekutsamwira. Nguva inotevera pauchange uri muhurukuro inofadza pinza mazwi anorwadza akaita sekuoma kwehupfumi hwenyika. Uye kana izvozvo zvisingadzinge mufaro taura nezvekuwanda kwaita mhosva kana kusanaya kwemvura kana kuipa kwemunhu waunoziva. Kana ukanangana nezvose zvinoshungurudza hapazove nokunyemwerera.
Vanhu vane hasha vanofunga bedzi nezvezvakaipa zvehupenyu. Vanoshushikana nezvezvikwereti zvose zvinoda kubhadharwa. Vanoda kukurukura nezvekupararira kwehuipi mudzimba, muchechi mumabasa, munyika. Kana munhu akataura nyambo kana kanyaya kanonakidza vanozunguza musoro nehasha nokuti vanozvitora sezvinhu zvisina maturo. Vanoona vanhu vakadai sehonzeri inoita kuti nyika isabudirire nokuti vanonangana nezvinosekesa vachisiya zvematambudziko ehupenyu.
Zviwanzire Basa
Tose tinoziva kuti nguva neveukama uye yekuzorora zvinogona kutiwanisa rudekaro mupfungwa. Nokudaro, munhu ari kuvavarira upenyu hwehasha anofanira kuzviwanzira basa, kushanda zvakapfurikidza. Zvinogona kuratidzika sokunge zvakaringana asi manyepo. Vanhu vanozadza nguva yavo yokuzorora nemabasa havatani kuchema-chema kuti vari kuregererwa uye kupomera vamwe hunungo. Kazhinji vanopedzisira vasisina tariro. Uyezve, nenyaya yokugara vakabatikana, vanorasikirwa nehope dzakawanda. Izvi zvinotutsira pahasha dzavo nokuti munhu wose asingarare zvakakwana haatani kutsamwa.
Tarisira Kuti Vanhu Vazadzise Zvido Zvako Zvose
Tinodzidziswa mumachechi edu kuti hupenyu hwechiKristu hunosanganisira kudzidza kuva norudo nehanya. Iwe unogona kufunga kuti izvi zvinhu zvakanaka. Asi usazviita kana uchida kubudirira pakuva nehasha. Pane kuedza batsira vanhu nekuita kuti upenyu hwavo huve nani, iva noudyire. Iva netarisiro huru yokuti vamwe vakuitire zvido zvako. Somuenzaniso, sababa vemusha pota uchiyeuchidza mhuri yako zvavanofanira kukuitira kuti hupenyu huve nyore kwauri. Kana uri mukadzi, chema-chema zvikuru kana mhuri yako ikakanganisa uye ikatadza kuita zvaunotarisira. Pota uchiyeuchidza vamwe zvavanofanira kuita uye mitoro yavanofanira kutakura.
Tungamida Kodzero Dzako Nguva Dzose
Iri nderimwe rematanho makuru aunofanira kutora kana uchida kuita hasha. Yeuka kuti Bhaibheri rinosimbisa mabasa aunofanira kuita kupinda kodzero. Iwe usazvinetsa – tsvaka kodzero dzako chete chete. Usawane chekuita neupenyu hwavamwe vanhu, namabasa anofanira kuitwa, ingovavarira kuwana kudzero dzako chete chete. Pota uchisvora vamwe kuti havakuoni. Shora vamwe nokuti vanokubatirira.
Ita Dambe Nezvinhu Zvakaita Sorudo Nerupfave
Izvi zvinogona kuva nyore kuti vanhurume vaite. Kana mudzimai wako navana vachida kuenda kuChechi ita kuti vaende voga. Vabudire pachena kuti ibasa remadzimai kuita zvorudo, kutora nguva nevana kana kutengera hama kadhi rezuva rokuzvarwa. Zvifunge iwe chete nebasa raunoti nderevarume chaivo uye zvikudze somumhu akaoma.
Taura Nezwi Riri Pamusoro Kana Uchida Kuti Vamwe Vakunzwe
Itoita zvokudanidzira. Nzwisiso yakajeka inotitaurira kuti kutaura nenzwi roruremekedzo zvinobatsira kuumba mamiriro orunyararo. Sezvo chinangwa chako chakasiyana, ungada kuedza kutyisidzira namatauriro aunoita nevanhu. Mukukurukurirana, kana vamwe vanhu vasingabvumirane newe pakarepo vapopotere. Izvi zvinoshanda zvikuru kunyanya kunhengo dzemhuri. Hazvikonzere kukakavara bedzi, asi zvinovadzidzisawo muenzanisira wemaitiro avanofanira kuita. Nokupa muenzaniso uyu, zvichida vana vako kana mumwe wako achadzidza kutyisidzira.
Namata Mari Nezvinhu Zvinokosha
Funga kuti kune zvinhu zvakakosha kupfuura hukama nevanhu. Kana uchida kutsamwa tungamidza zvinhu. Ona vanhu semudziyo yokuwana zvaunoda. Izvi zvinoreva kuti kushandisa vanhu kuwana pfuma yose yaunoda. Kana wawana zvaunda chirega kuva nechokuita navo. Hasha, anzwiro ako. Saka kana uchida kuzviwanira hasha dzakakwana unofanira kuramba uchirarama mararamiro okutungamidza zvido zvako kubva kune vamwe.
Usasiva Utera Hwako Nepawakasimbira
Usaedza kuzvivandudza iwe pachako. Munhu wose anonyatsotarisa zvohupenyu hwake agonona kuwana dzekukura zvakanyanya. Izvi zvinopesana nezvinangwa zvako. Kana mumwe munhu akakuudza pamusoro pezvikanganiso zvako munyararidze. Usaverenga Bhaibheri kana kuteerera mharidzo. Ukadaro unogona kubatwa mwyo ukachinja. Kuti usashandura utera hwako usatombobvira wabvuma kuti une utera.
Usanzwira Vanotambura
Uri munhu akazvigadzira upenyu. Wakashanda nesiba kuti uve zvauri nhasi. Munhu wose anofanira kuteedzerawo. Mumafungiro ako, hapana chikonzero chinoita kuti vanhu vakundikane. Vose vane nungo vanongoda kuitirwa zvinhu vagere. Hazvinei kuti vamwe vakakura upenyu hwakaoma. Hazvinei kuti vamwe Havana kukura vachikurudzirwa kuvimba nezvavari. Kwauri zvavanopa zvinongova zvikonzero zvokusada kushanda nesimba nokukunda matambudzio ohupenyu huno.
Shusha noKushora
Ona zvakaipa muna vamwe wonangana naizozvo. Paunoona vamwe vachikanganisa, vanongedzere zvitadzo zvavo nenzira inovanyadzisa. Usamboedza zvachose kuvabatsira. Funga chete zvaunogona kuita kuti vazive zvikanganiso zvavo.
