Dzaingondinetsa svomhu zvaizivikanwa nemunhu wese,
ndaitoti kana ndazama chaizvo ndinenge ndawana 20%.
Ndaiwanzowanikwa ndirimuvanhu 4 vekupedzisira pabvunzo dzese.
Rimwe zuva takanyora zama tapedza ticha ndokumaka ndokupedza. Vakazoti zvino vakudeedzera munhu nemaki yake apa vaifarira kudeedzera vachitanga nepasi kureva kuti anenge afoirisa ndiye aitangwa.
Vakadedzera ticha kubva pa4% kusvika pa10% zita rangu musi iwoyo pa 4 vekupedzisira harina kuwanikwa vanhu vakatanga kungonditarisatarisa.
Vakadeedzera kusvika ku20% handipo wena vaku50% rangu risati radanwa shamwari yangu yandaigara nayo yakatanga kundirovarova musana kuratidza kuti nhasi wakwapura wena.
Mudzidzisi vakuma90% class yese ndobva yanditarisa ini hana yangu ichingoti bha bha ndobva ndanatsozembera cheya yangu ndakagadzirira zvino kuchivaratidza kuti handina kuchipa musandijairire 95% harisati radanwa wena zvino ticha vasara nebepa rimwe mumaoko ndakabva ndatanga kupfinyira pfinyira sheti yangu kuti
Sseshasha ndinatsotora bepa rangu nesitepi yejaya svinu. Ndakabva ndanzwa ticha voti panebenzi risina kunyora zita pabepa iri ngariuye ritore bepa raro rine 2%.
