© Musakope nhaurwa iyi musina mvumo

Haano mamwe mazano eChiKristu anobatsira pakurera vana vechidiki:
Ida mwana wako
Rudo runogona kuratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana. Zviito nemafungiro atinoratidza kune vechidiki vedu zvinoreva zvakawanda kupfuura mazwi atinotaura. Zvisinei, usakanganwa kuudza mwana wako kuti unomuda. Zvinoita sezvisina kufanira kuti ‘Ndinokuda’ kumwana wako achiri kuyaruka, asi zvichareva zvakawanda kwaari mumakore anotevera paanoyeuka zvawaisitaura.
Ona mwana wako neziso rorudo nguva dzose. Usagumburwe netwose twaanokoniwa. Kana akanganisa tsvaga nzira dzokukurukura naye dzinoita kuti pasave neanosara akagumbuka pakati pako naiye. Kurukura murudo!
Remekedza mwana wako
Ratidza ruremekedzo rwako mumatauriro ako naye uye pamatauriro ako pamusoro pake. Taura zvakanaka pamusoro pake, pamberi pevamwe vanhu vakuru uye vezera rake. Mwana wako kazhinji anenge akatarisa uye achiteerera. Achazviona pauchange uchitaura zvine ruremekedzo pamusoro pake.
Kunyange iwe uri mukuru pamafungiro nemanzwiro kupinda mwana wako hazvirevi kuti unofanira kumutonga nekumunyomba nguva dzose. Zvakare usatamba uchituka nokuti mwana mudiki kanzinji haazvione sokutamba. Muremekedze nguva dzose.
Iva nemitemo mishoma yakajeka
Imwe nzira yokuremekedza mwana ndeyekuva nemitemo yakanaka yakajeka. Izvi zvinopa miganhu. Zvinoita sokunge hatidi mitemo asi chokwadi ndechokuti munhu wose anoda kuziva zvinotarisirwa nezvisingatarisirwi. Iva nemitemo yakajeka. Zvinonetsa kuziva mitemo inoshanda mumhuri dzakasiyana asi vamwe vanoti kumwana
‘Unofanira kuva pamba na6 dzamanheru nyange zvodii. Kana uchida kudarikidza nguva idzi unofanira kukumbira mvumo kana kutsanangura chikonzero chokuti sei usingagoni kuva pamba panguva iyoyo.’
Mutemo wakadai unodzivirira mwana wako kubva mumatambudziko mazhinji. Uyewo iwe unenge uchinyatsoziva kune mwana wako uye kuti anani. Zvakare unenge uchiratidza ruremekedzo kumwana wako nokuti unovimba naye. Izvi zvinoitawo kuti shamwari dzavana vako dzivaremekedze nokuti vanoziva mitemo isingatambwi nayo.
Usaise mitemo yokupenga
VaEfeso 6 inoti haufaniri kutsamwisa vana vako (6: 4). Izvi zvinoreva kuti usavhiringidza vana. Mitemo yeupenzi isina anonzwisisa kana isinganzwisisiki inongogumbura vanotungamirirwa nayo.
Tara mibairo yokusateerera
Paunoisa mitemo unofanira kutaurirana navama kuti ndeupi mubairo wokusateerera. Wirirana pamwe navana kuti mugumisiro wokutyora mutemo ndeupi. Unogona kushamiswa kuti vanozvipa chirango chakakura pachavo. Unofanira kuchengetedza mitemo iyi sokuwirirana kwenyu. Izvi zvinoita kuti mwana asavhiringidzika. Mwana wako anofanirwa kuziva kuti pane mubairo wokusareerera. Kana mumwe wevana vako achirangwa mumwe asingarangwi unovhiringidza vana vako uye vanomira kukuremekedza nokuremekedzana.
Taurirana navo
Taura nemwana wako. Tsvaga nzira dzokuti mukurukurirane. Mwana havazombofa akauya kuzopihwa mazano newe kana nguva dzose pamunotaura uchimuudza zvekuita, ‘geza ndiro,’ ‘Wacha hembe’. Tsvaga nhanganyaya dzakaita sokuti, ‘Madzidzei nhasi kuchikoro?’ Ziva kuti mwana wako anofarirei. Kana achifarira bhora potai muchitaura izvi uchiratidzawo ruzivo rwebhora. Ivai nenyaya dzakafanana dzokukurukurirana. Teerera. Mupe nguva yokutaura. Kana ukaita maziva zvose uchimugadzirisa pose paanotaura achavhara nzeve. Haazode kutaura newe futi. Ukamuteerera uchashamiswa kuti zvakawanda zvaunogona kudzidza kubva kwaari.
Iva muenzaniso wakanaka kumwana
Iva muenzaniso wemararamiro aunoda kuti vana vako vaite. Taura zvakanaka kune vamwe uye pamusoro pevamwe. Kana ukapedza usiku hwose uchigunun’una pamusoro pemashandiro abhosi wako kumwana wako achagarawo masikati ose neshamwari dzake achigunun’una pamusoro pemashandiro aunoita pamba pako.
Mudzidzise kuda Mwari
Mugamuchidze ukama hwako naMwari. Mwana anopinda muhukama naMwari nekuda kwezvidzidzo zvaanodzidza kubva kuvabereki vake. Goverana rudo rwako kuna Mwari nemwana wako.
Kurudzira mabasa ake akanaka.
Vechiduku vanoda kutsigirwa. Paanenge achitsvaga rusununguko anodawo kuziva kuti anogamuchirwa uye anodiwa. Murumbidze kana achiita zvakanaka. Zviri nyore kugara mumba mumwechete pasina kutaurirana. Kune vakawanda vanotaura nemwana bedzi kana paita dambudziko. Usaita ukama hwakadai nemwana. Tsvaga nzira ndokukurudzira maitiro ake akanaka uye sarudzo dzake dzakanaka.
Tora nguva nemwana wako
Vabereki vakawanda vanokanganisa nokusapedza nguva nevana vavo vachiri kuyaruka nokuti vanofunga kuti vechidiki vavo havadi kupedza nguva navo. Ichokwadi neimwe nzira, asi vechidiki vanodawo nguva yokuonana uso nouso nevabereki vavo. Zvisinei nekuti vechidiki vasvika pazera rokuvavarira kuzvimiririra vanoda rubatsiro runoita kuti vanzwe kuchengetedzwa nokusimbiswa zvinobva pakutora nguva nevabereki vavo. Famba-fambai pamwechete, idyai pamwechete, endai kunoona firimu pamwechete … kana ukasaita izvi mwana wako achaona sokunge usina hanya naye.
Usatungamidza zviitiko kupinda ukama
Vabereki vazhinji vanopedzera simba pakunangana nepurogiramu yemwana. Vabereki ava vanoda kupa vana vavo mikana yavasina kukura nayo asi zvinoshata kana zvido zvemwana zvikakurira mararamiro emhuri.
Vabereki vanofanira kutungamidza ukama hwemhuri naMwari, asi zvinosuruvarisa ndezvekuti izvi zvinowanzotsvetwa zvichinzi tinoda kubatsira mwana kuenda mberi noupenyu, kubudirira. Musarega mitambo yemwana ichiparadza upenyu hwemhuri.
Usajaidza mwana
Tose tinoedzwa kuti tifunge kuti kuda vana vedu zvinoreva kuita zvose zvatinokwanisa kuti vave nemikana yose uye vave nezvinhu zvose zvatisina kukura nazvo isu pachedu. Aya mafungiro anotyisa. Kazhinji tinopedzisira tave nevana vanozvikudza, vanopedzera simba pane zvisina maturo uye vasingatendi. Kazhinji vabereki vane vavariro dzakanaka mukujaidza vana nezvose. Mari yose yatinovapa nezvinhu zvose zvatinovapa zvinogona kuita kuti vasambogutsikana uye vatoramba vachida zvimwe. Chinodiwa nemwana hazvizi zvinhu zvakawanda asi nguva norudo. Pane zvinhu zviviri zvinogona kukanganisa munhu muupenyu zvinoti ‘Kuwana mari yakawandisa nekuwana mikana yakawanda.’ Vabereki vanogona kuparadza mwana nekumupa zvinhu zviviri izvi.
Kurudzira mwana kuenda kuchechi
Mwana haagone kukura muchitendero kana asingazvibatanidze nerimwe boka revechidiki kana chechi. Hapana wechidiki anogona kubudirira mukutenda kwake pasina zvinhu izvi zviviri zvinomutsigira. Somubereki, nyaya yokupinda muboka revechidiki kuchechi nokuenda kuchechi kwemwana haitauriranwe, zvinofanira kuitika. Usangonangana nezvechikoro nemitambo yemwana usingakoshese chitendero chavo. Unokohwa zvawakadyara. Ukadyara mwana anechitendero unokohwa izvozvo.
Iva nemwoyo murefu.
Ichi ndicho chinetso chikuru kuvabereki vamazuva ano. Vanotarisira kuti mwana ashanduke nenguva pfupi-pfupi kana achinge atsiurwa, asi chokwadi ndechekuti zvinotora mwedzi kana makore akawanda kuumba mwana. Panguva iyoyi, kushivirira, kutsamwa, uye utsinye zvinogona kuparadza ukama nekukurukurirana kwako nemwana. Unogona kugadzirisa maitiro ake kwechinguvana, asi unorasikirwa nemoyo wake. Iva nomwoyo murefu.
Mutsvagire kabasa kekuita
Tsvagira mwana basa rekuzvipira kana rinobhadharwa kuti aite. Kana mwana akabuda kunze, akaita basa rinomunetesa anova munhu musvinhu akayaruka. Anozviwanira kamari oona kunetsa kunoita mari asiwo anowana mukana wokutsiurwa nevamwe vanhu vakaita sabhosi wake nevashandipamwe. Izvi zvinokupawo nguva yorugare!
