Dhina mwanasikana waRiya. Ndiye oga mwanasikana waJakobho anodomwa. Rungano rwaDhina rungano runosiririsa – rungano rwokubatwa chibaro, rwoundyire nokukarira samba kwavanhurume. Rungano rwemhirizhonga norutsivo. Zvainzwikwa nokushuvirwa naDhina hazvidurwe. Pfumvu yake inovamba nekachiitiko kanoita sekaina basa apo “Dhina .. akashanyira madzimai edunhu riri padyo’ ((v. 1). Shekemu jindha redhunu iri anomu pamba nokurara naye zvechisimba. Mushure mechiitio ichi chinosvodesa Shekemu anopindwa nepfungwa yokuita Dhina mudzimai wake kusvika pakumuia muubatwa mumba make.
Hanzvadzi dzaDhina padzinonzwa nezvaitwa naShekemu vanoviruka nehasha (v. 7). Shekemu nababa vake vanoedza kupodza nyaya nokukumbira kuti paitwe chipfumirano chokuroodzana nkutengeserana uye vanovimbisa kubhadhara roora yakapetwa pana Dhina.
Vana vaJakobho vanonyepera kubvuma chibvumirano ichi vachiti chavanongoda ndechekuti vanhurume veguta raShekemu vachecheudzwe voe (v. 13-17). Shekemu anochecheudzwa chiripo-ripo kurudzirawo vanhu veguta rake kuti vaite saizvozvo achivasimbisa kuti chibvumirano chokuroodzerana chakavanakira panyaya dzokutengeserana. (v. 18-24).
Vanhurume veguta raShekemu vakachecheudzwa asi vachiri kurwadziwa vachitadza kuamba vana vaJakobho vakaruka zano. Simioni naRevhi vanakomana vaRiya pamwe nedzimwe hanzvadzi dzaDhina vanouraya guta rose nokununura Dhina. KUnyange Jakobho asina kufara nazvo, hanzvadzi dzaDhina vanoona maitiro avo seakanaka nokuda kwezvanga zvaitwa hanzvadzi yavo.
Ndangariro
- Unofungei nokuti baba havana kuviruka neshuku asi vanakomana ndivo vakarwadzira nokumiririra hanzvadzi yavo?
- Nyaya yaDhina inodzidzisei maererano nokubatwa chibharo kwavanhukadzi mazuva ano?
- Zvii zvimwe vaungade kutaura panyaya iyi?
