© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Mumwe murume anemukurumbira mubandiko rezveChimiro Chapasi (Physics) akashandura zvachose maonero atioita pasi rino. Semunhu aidisa maitiro aVanhu (humanist) akataura zvikuru pamusoro pokukosha kwezvematongerwo nezviitiko zvoukama zvenguva yake. Murume uyu anonzi Albert Einstein.
Einstein akatozotanga kugona kutaura ava namakore mana uye akatozogona kunyora ava namakore manomwe. Vabereki vake vaifunga kuti akanga asina kunyatsoti kwesere. Mumwe wavadzidzisi vake akanyora pamusoro pake achiti, ‘anononoka kufunga, haagoni kushamwaridzana navamwe uye ane katsika kokunyangarikira muzviroto zvoupenzi. Akadzingwa pachikoro akasagamuchirwawo pachikoro chamaoko cheZurich. Akanetseka zvakanyanya pakutsvaga basa. Asi akatsungirira munazvose.
Einstein akabatsira kupinda vamwe vose vanoita zvesayinzi pamanzwisisiro edu ezvemamiriro epasi. Ndiye akabatsira kuti pave nebomba rinoparadza zvakanyanya, ndiye akabuda nedzidziso yokuvamba kwenyika inonzi big Bang, akabatsirawo maererano ne quantum physics nezvemagetsi.
Vamwe vedu tkamirira nechitarisiro kuti tiite rombo rakanaka, kuti muupenyu hwedu muitike chimwe chinhu chikurusa. Tinoshuvira kuva mumwe munhu kana kuita zvimwe zvinhu zvinoshamisa. Asi zvishuvo zvedu kazhinji zvinoperera mukurota. Kana zvatinoshuvira zvikasaitika tinoodzwa moyo nokudzokera kumashure. Ikana iripo asi tinotadza kuiona.
Pane matarenda akawandisa ari matiri atisiri kuona. Une matarenda akawandisa akavandika mauri. Ukanyora pasi matarenda ako ose, zvipo zvako zvose nokugona kwako kwose uchaona kuti une mikana yakawanda yakamisira kushandiswa. Simba rako zhinji hausi kurishandisa. Rakamirira kushandiswa zvizere.
Rungano rwanhasi runoburitsa pachena kuti Mwari anotitambanudzira maoko. Anogarotipa makomborrero ake. Anotarisira kuti tose tishandise kugona kwedu nesimba redu ratakapihwa naye. CHinokanganiswa navazhinji kurarama somurume ataurwa nezvake muShoko Rakanaka akagamuchira chipo akachiviga muvhu. Akakunyuta achiti aitya tenzi wake. Kutya kwaifanira kumuita kuti awane zvaanoita. Asi kutya kwake kwakamutadzisa kuita, kushandisa chipo.
Muranda ari muShoko Rakanaka haasi mutadzi bodo, haana unhu hwakaipa uye haana kuparadza upfumi hwomukuru wake. Mhosva yake yaiva yokuti haana kuedza kugamuchira makomborero aaipihwa naMwari. Haana kuvimba nwzvaari pamwe nokuvimba naMwari. HOngu MWari anotipa pachena nomwoyo unotambanudza asi zvipo zvake hazvifaniri kuvigwa kana kufuratirwa.
Dzidziso yanhasi iri kuti ziva zvaunokwanisa. Zvaunokwanisa pakurarama, kushanda, kuda nokushandira. Ona simba rako sokunge uri zvaunofanira kuva kuitira kuti ukwanise kuva zvaunogona kuva. Mauri mune zvose zvinodikana kuti usadzise zvishuvo zvako.
Lincoln Steferns anokukurudzira kuziva chipo chako paanoti, ‘Mufananidzo unokkunda yose hausari wapendwa; nhetembo inokunda dzose haisati yaimbwa; nziyo dzinokunda dzose hadzisati dzaungwa nezvadzo.’
Unogona chete kuva zvaunokwanisa kana ukava zvauri. Pane simba, upenyu, kufambisa kunoshandurwa kuburikedza nomauri kuchiva zviito zvinoshamisa.
Hapana bhiza rinotiendesa pasi rose
Hapana masai-sai anotitakura kubva kudivi rimwe renyana achitiisa kune rimwe.
Hapana mutambo unogutsa meso edu.
Tinonzwa setine miganhu kumativi ose.
Asi takasikirwa kuita zvisina miganhu
