Haaa mota yangu yafa, ndibatsireiwo ndapota……ndiudzeiwoka kuti kana uchipinda mukombi unoita sei, unomhoresa vanhu vese here kana kuti unomhoresa mutyairi chete kana hwindi. Ndibatsirei ndapota. Handisati ndambozviita.
Archives
All posts for the month October, 2017
Mutsauko mukuru pakati pevanhu nemakudo ndewekuti vanhu vanotamba chikudo asi makudo haatambi chivanhu.
Madhamu: Dhedhi nhasi ndabika chikafu chamunofarira kupinda zvose.
Habhi: Wakatanga kugona kubika doro reCastle riinhi?
Mumwe murume aiva nomudimai wake anoshusha kuzororo kuJerusarema.
Mukadzi akafa zvisingatarisirwi.
Afa, kambani inoona nezvekuradzikwa kwavanhu yakamupa zano rokuti zvinoda $45 000 kuti mutumbi womudzimai wake utakurwe kuenda kuZimbabwe kana kuti $500 kuti avigwe imo muJerusamema makare.
Audzwa izvi murume akati, ‘Mutakurei kuenda kumusha.’
Mumiririri wekambani yokuradzikwa kwavanhu akakatyamada akabvuna kuti, ‘Vakuru, ko sei musina kuda kuti mudzimai wenyu avigwe muNzvimbo Inoera, marega kutambisa mari?’
Murume akapindura achiti, ‘Makore akawanda adarika mumwe murume akavigwa muno akamuka muvafi nezuva retatu … handidi kuzodemba!’
Usadherere madzimai epamusika, ndazoita maminitsi mashanu ndichizama kusarudza kabheji rakanaka, zvikanzi ‘nhai mukuwasha munoti mungawane rine nyama here ?’
Amburera haimisi mvura kunaya, asi inotigonesa kumira kuchinaya tisinganaiwe. Chivimbo chinogona kusaunza budiriro asi chinotipa samba rokutarisana nedambudziko ripi zvaro. Dai zvose zvaunoita zvakupa mufaro norugare mumweya wako.
