Paiva nemumwe muchinda aifamba achienda kubhawa. Akaona imbwa yakaonda chaizvo akati, ‘kambwa aka kakaonda’, imbwa ikamuti ‘zvinorovesa izvozvo.’
Akashamiswa zvikuru kuti imbwa inotaura. Paakasvika kubhawa akaudza vanhu kuti ainge aona imbwa inotaura vakamuti handei tinoona. Vasvika akadzokorora kuti ‘Kambwa aka kakaonda,’ imbwa ikangomutarisa. Akadzokorora futi ikaramba yakanyarara. Vanhu vaya vakati ‘unoda kutamba nesu,’ vakamurova vakaenda. Imbwa yakasara ichimuti, ‘Ndambokuudza kuti zvinorovesa!’
