Mumwe murume aityaira mumugwagwa wekumusha paakapfuudzana nemumwe mudzimai aityairawo munzira imwecheteyo achienda kudivi rakafuratira. Pavakange voda kupesana murume aadzikisa hwindo remota yake ndokusheedzera kuti ‘Dhongi!’
Mudzimai uya nekusada kukundwa akasheedzerawo achiti, ‘Tsoko!’ akanzwa zvakanaka achiti ndamutukirirawo. Asi achangodarika rimwe gonyo akarova dhongi motokari ikakunguruka katatu kose. Paakanga achizviburitsa mumota yapwanyika akarangarira zvairehwa nomurume uya.
