Chiverengo chokutanga
CHiverengo chokutanga chirikutiyeuchidza chasha dzaMwari dzaainadzo nevanoshaya uye vatera. Mwari ane hanya navatorwa, neshirikadzi uye nenherera. Anovarwira nokuda kwetsitsi dzaainadzo. Suwo tinotarisirwa kuva netsitsi kuvarombo navanoshaya vari pakati pedu sezvinoita Tenzi. Vana veIziraeri vari kunzi imi makaitirwa nyasha naTenzi pamaiva vatera muri pakati pavaIjipita. Naizvozvo munofanira kuitirawo vamwe mwoyo munyoro zvikuru sei vatera.
Chiverengo chechipiri
Chiverengo chechipiri chiri kuratidza rudo ruri muzviito pakati pavaKristu veTesaronika. Mushure mokugamuchira rudo rwaMwari rwavakaparidzirwa naPauro nevamwe vake vakazarura mwoyo yavo kuti vagamucchire Shoko Rakanaka uye vakararama upenyu hworuenzaniso. Simba raMweya Mutsvene ndiro rakavagonesa kuparadzira rudo rwaMwari munharaunda yakavakomberedza.
Shoko Rakanaka
MuShoko Rakanaka Jesu ari kubvunzwa kuti mutemo mukuru ndeupi. Anoti Mutemo mukuru kuda Mwari uye kuda mumwe wako. Anoita seari kuti haugoni kuda Mwari usingadi muvakidzani. Mitemo miviri iyi haigoni kupatsanurwa. Asi kuti munhu azadzise mitemo miviri iyi anofanira kuva anozvidawo iye pachake.
Rudo ndohwaro hwoupenyu hwechiKristu. Kuda Mwari nomwoyo wose zvinoreva kuti mwari ndiye anofanira kuva pamongo woupenyu hwako. Kana Mwari ari pamongo woupenyu hwako zviri nyore kuteedzera mutemo wepiri unoti ida mumwe wako Mumwe mutori wenhau wechirungu akaenda kunoona mabasa anoitwa naMai Teresa vokuKarikata. Vakaenda kumba inochengeterwa vakwegura. Mutori wenhau uyu wechidiki akatarisa Mari Teresa vachigeza nokusunga maronda emumwe murume. Akashamiswa akati, ‘Ini handimboita basa iri nyange ndikapihwa $10, 000 pamwedzi.’ Mai Teresa vakati, ‘Chero ini handimboshandira mari yakadaro. Ndinozviitira rudo.’ Kana tiine rudo naMwari hazvinei kuti basa ratiri kunzi tiite rakaoma sei uye rinorwadza sei.
