© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Jesu ari kuti, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Asi chokwadi chiripo ndechekuti tinogona chete kuda vamwe kana kana tikazvida pamwe nokuzvigamuchira. Haugoni kupa zvausina. Haugone kupa rudo iwe uchizvivenga. Anozvivenga anopa ruvengo. Anozvishora anoshora vamwe nokuona zvakaipa mune vamwe.
Pane rungano rwomukweguri aive agree pabhenji kumucheto kwetaundi paakasvikirwa nemueni. ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’ akabvunza mweni.
‘Vanhu vekwaunobva vanhu vakaita sei?’ Mugweguri akabvunzawo.
‘Vanhu vane mwoyo munyoro, vanotambanudza maoko uye vasingazezi kuitira.’
‘Ndinofunga kuti uchaonawo vanhu vemuno vakaitawo saizvozvo.’
Munguva pfupi yaitevera pakasvika zvekare mumwe mweni akabvunza, ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’
Mukweguri akapindur, ‘Vanhu vekwawabva vakaita sei?’
‘Kwandabva hakuiti zvachose’ akadaira ‘Kukutaurirai chokwadi, ndatofaara kubvako. Vanhu veko vanonyima, vaneutsinye, hapana ane hanya nemumwe.’
‘Ndineurombo kukuudza kuti uchaona kuti vanhu vemuno ndozvavariwo’ akapindura mukweguri.
Rungano urwu runotiratidza kuti tinoona vamwe vanhu kwete sezvavari asi sezvatiri. Kana tikaona zvakaipa mune vamwe zvinoreva kuti hatigutsikane nezvatiri. Munhu asina rugare mumwoyo make anoparadzira mhirizhonga kune vakamupoteredza. Kana tikasazvida nokuzviyemura hatigone kuda nokuyemura vamwe.
Haugoni kubhururuka usina mapapiro. Haugoni kukura usina midzi. Hatigone kupa madziya kune vamwe kana isu tisina madziya orudo. Tinogona kuda nouwandi hworudo ruri matiri. ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.’
