Pane rungano rwomukweguri aive agree pabhenji kumucheto kwetaundi paakasvikirwa nemueni. ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’ akabvunza mweni.
‘Vanhu vekwaunobva vanhu vakaita sei?’ Mugweguri akabvunzawo.
‘Vanhu vane mwoyo munyoro, vanotambanudza maoko uye vasingazezi kuitira.’
‘Ndinofunga kuti uchaonawo vanhu vemuno vakaitawo saizvozvo.’
Munguva pfupi yaitevera pakasvika zvekare mumwe mweni akabvunza, ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’
Mukweguri akapindur, ‘Vanhu vekwawabva vakaita sei?’
‘Kwandabva hakuiti zvachose’ akadaira ‘Kukutaurirai chokwadi, ndatofaara kubvako. Vanhu veko vanonyima, vaneutsinye, hapana ane hanya nemumwe.’
‘Ndineurombo kukuudza kuti uchaona kuti vanhu vemuno ndozvavariwo’ akapindura mukweguri.
