Kazhuinji tinonzi tikanganwe marwadzo edu atakasangana nawo. Asi tingadzidze chii kubva kumarwadzo aya kana tikaakanganwa? Ndangariro dzokurwadziswa dzinogona kutibatsira tikadzidzora nomazvo. Pane zvinhu zviviri zvatinogona kutaura. Tinogona kuti ‘Tinoziva chinonzi marwadzo naizvozvo hatigone kubvumidza kuti zvimwechete zviitike kune vamwe’ ana kuti ‘Takarwadziwa saka tinekodzero yokurwadzisa.’
Vamwe vanoti mwoyo munyoro haudzidzwi pasina kutambura. Asi vamwe kutambura kwavo kunotoomesa mwoyo yavo. Vana veIziraeri vari kuti ndangariro dzenyu ngadzipfavise mwoyo yenyu.
Nguva younhapwa muIjipita yakanga iri nguva yakaomesesa munhoroondo yavana veIziraeri. Zvakavatorera nguva ndefu kuti vapunyuke. Zvisinei nezvakaitika vari kunzi yeukai, musakanganwe. Sei? Nokuti upenyu hwavo hwava nani. Vave nedzimba dzavo. Vave namambo wavo namauto avo. Asi pakati pavo pane vatorwa vakawanda, varombo vakawanda, nherera dzakawanda neshirikadzi dzakawanda. Vanhu ava havana simba, vatera. Ndosaka vana veIziraeri vari kunzi idai vamwe – vapoteri, vatorwa – munhu wose asina kodzero yavagari venzvimbo. Itai izvi nokuti imi pachenyu maivawo vatorwa. Musakanganwe vashoma. Musakanganwe kuti imiwo makabva mumagariro akadai.
