Pane vamwe baba vaiita basa rekusona asi bhachi ravo rakanga rava marengenya risingasonwi. Vaitouya kuchechi nebhachi ravo rakabvaruka ivo vari musoni. Mumwe musi vauya kuchechi musi wesvondo shamwari yavo yakati, ‘Zvinonyadzisa kuti imi nechiremera chenyu munopfeka bhachi rakabvaruka asi muri musoni anembiri.’ Baba vaya vakati, ‘Ndingadii? Ndiri murombo. Ndinopedza svondo rose ndichisona nhumbi dzavamwe handina nguva yekusona bhachi rangu.’ Shamwari iya yakati, ‘Heyo $20 iyi. Chindiona sekasitoma inoda kusonerwa wosona bhachi rawakapfeka.’ Vakawirirana musoni ndokutora mari. Asi paakadzoka kuchechi svondo raitevera akanga achine bhachi rakabvaruka. Shamwari yakaita hasha ikakumbira tsanangudzo, ‘ndakakupa mari sei usina kusona bhachi.’ Asi musoni akataura achinzwisa tsitsi, ‘Ndingadii? Pandakasvika kumba paya ndakatarisa bhachi rangu ndikaona kuti basa racho hariite $20 ndingatambise mari.’ Murume uyu akanga aine zvikonzero zvisingaperi zvokutadza kuita zvinofanira kuitwa
