Izaya 25:6-10 VaFiripi 4:12-14,19-20 Mateo 22:1-14
Rungano
Muneimwe chechi, vanhu vakapiwa zvibharuma zvakafuridzirwa mweya vakanzi, ‘Pakati pemuteuro anenge anzwa mufaro mumwoyo wake ngaakandire bharuma rake mudenga.’ Muteuro wakaenderera mberi vanhu vakakandira mabharuma avo mudenga panguva dzakasiyana-siyana. Asi pakupera kwemupiro zvakaonekwa kuti vazhinji vavo vakanga vachirine mabharuma avo.
Kana izvi zvikaitwa pano vangani vedu vanoramba vaine mabharuma avo vasina kuakandira mudenga? Vazhinji vedu tinofunga kuti mipiro yedu inguva yokusuwa nokuzvipeta, nguva yekuvhara maziso tichinamata, kwete nguva yekupemberera nokufara.
Asi mufananidzo uri muDama Rakanaka nhasi uri kutiudza zvakasiyana. Uri kuti gungano ravaKristu ipati yaTenzi. Pamuteuro tinoti, ‘Vakakomborerwa vakakokwa kumabiko aya.’ Tenzi vanotikoka kumabiko, kumhemberero naizvozvo tinofanira kuuya nomufaro.
Zviverengo
Rungano rwataurwa naJesu runotiratidza mhando nhatu dzavakokwi. Kune vanokokwa vobvuma asi vorega kuuya zuva remabiko parinosvika. Kune vakokwi vanouya kumabiko vasina nhumbi dzakafanira, havavavarire kuita zvinotarisirwa pamabiko. Kune vakokwi vanonyatsogadzirira vouya vakakodzera pazuva remhemberero.
Vakokwi vokutanga
Chinotyisa pavakokwi vanorega kuuya ivo vambobvuma hakusi kuti vatadzi kana kuti vanhu vakaipa. Havaregi kuuya nokuti vari kunoita zvakaipa kwete. Tanzwa kuti mumwe akaenda kupurazi rake mumwewo akaenda kubhizimusi rake. Mabasa aya mabasa anemuripo wakanaka. Dzimwe nguva zvinotitadzisa kuva pamufaro wedenga harusi rutadzo bodo asi kuti mishando yedu yakakosha muupenyu. Hapana chakaipa kuti ushande nesimba pabasa rako, asi kana basa rako rave kukutadzisa kuuya kumabiko aTenzi panenge pava nenyaya (aienda kumorning mass every day kuchikoro). Pane mutsara unoti chakanaka imhandu yechakanakisisa. Dai taiziva zvatinorasikirwa nazvo patinonangana nezvatinofunga kuti zvakanaka muupenyu hwedu taishandura maitiro.
- Vazhinji vedu takatadza kuita zvakanaka muupenyu nokuda zvakanaka zvakatitadzisa kuita zvakanakisisa.
- Dzimwe nguva tinenge tiine tsamba yatinofanira kunyora toita nungo.
- Pane murwere watinenge tichifanira kushanyira, asi totadza nokuti paterevhizheni pane urongwa hwandinonyanyofarira.
- Ndinoziva kuti ndinofanira kunamata, asi ndinozvishaira nguva.
- Ndinoziva kuti ndinofanira kuzama kuenda kumisa nenguva asi pane zvinondivhiringa.
- Ndinoziva kuti kusavimbika kwakaipa asi ndinozviudza kuti munhu wose anozviita uye ini nditori nani kupinda vamwe.
- Ndinoziva kuti handiiti basa rangu sezvandinofanira kuita, asi ndozvishingisa ndichiti ndinofirei vamwe vasingaitiwo pavo.
- Ndinoziva kuti ndinoraradza, asi ndozviti hapana chakaipa nekuti mazuva ano zvakandiwandira.
- Ndinoziva kuti ndinofanira kupedza nguva yakawanda nemhuri yangu asi ndoona zvekubasa kwangu zvakanyanyokosha.
Iwe XXX wakaziva kuti chikoro chakanaka asi hauna kuwana zvikonzero zvinokutadzisa kuita chinhu ichi chakanakisisa muupenyu.
Rungano
Pane vamwe baba vaiita basa rekusona asi bhachi ravo rakanga rava marengenya risingasonwi. Vaitouya kuchechi nebhachi ravo rakabvaruka ivo vari musoni. Mumwe musi vauya kuchechi musi wesvondo shamwari yavo yakati, ‘Zvinonyadzisa kuti imi nechiremera chenyu munopfeka bhachi rakabvaruka asi muri musoni anembiri.’ Baba vaya vakati, ‘Ndingadii? Ndiri murombo. Ndinopedza svondo rose ndichisona nhumbi dzavamwe handina nguva yekusona bhachi rangu.’ Shamwari iya yakati, ‘Heyo $20 iyi. Chindiona sekasitoma inoda kusonerwa wosona bhachi rawakapfeka.’ Vakawirirana musoni ndokutora mari. Asi paakadzoka kuchechi svondo raitevera akanga achine bhachi rakabvaruka. Shamwari yakaita hasha ikakumbira tsanangudzo, ‘ndakakupa mari sei usina kusona bhachi.’ Asi musoni akataura achinzwisa tsitsi, ‘Ndingadii? Pandakasvika kumba paya ndakatarisa bhachi rangu ndikaona kuti basa racho hariite $20 ndingatambise mari.’ Murume uyu akanga aine zvikonzero zvisingaperi zvokutadza kuita zvinofanira kuitwa.
Mukokwi asina hanzu yakakodzera
Mumwe mukokwi akauya kumabiko asina hanzu yakakodzera. Tose tinoziva kuti kana uchienda kunotamba unopfeka hembe dzinoenderana nokutamba. Kana uchiendawo kumuchato unofanira kupfeka hanzu dzinoenderana nemuchato. Nokusapfeka hanzu dzakakodzera mukokwi uyu aivepo panyama asi mweya wake wakanga uri kure. Akanga ari pamabiko asi akanga asina pfungwa yokupemberera. Jesu anovenga hunyengedzi hwakadai. Dzimwe nguva zvitori nani kusauya pane kuvapo iwe usipo.
Kune vamwe vanoenda kunze kwenyika kuchikoro asi vava ikoko pfungwa dzavo dzinenge dzisiko. Vabereki vanototi mwana wedu ari kuchikoro vagotumira mari asi hapana zvinenge zvichiitwa ikoko. Mwana anenge achivanyengedza.
Vakokwi vanoenda nenhumbi dzakakodzera
Kune vakokwi vanoenda kwavadaidzwa vaine nhumbi dzakakodzera. Vanhu vakadai ndivo vanova nomufaro wemandorokwati. Ava ndivo vakokwi vatinofanira kuteedzera. Hanzu dzatinotarisirwa kupfeka isu savaKristo ihanzu dzorudo. VaKorose inoti, ‘Pamusoro pazvose, pfekai rudo, runova irwo runosungirira zvose pamwechete zvakanaka.’ (3:14)
