© Muskope Mharidzo iyi musina mvumo
Pauro anoti musazvidye mwoyo. KUzvidya mwoyo hakupedzi matambudziko edu. Kunotowedzera matambudziko atinosangana nawo. Kuzvidya mwoyo kunotisveta simba, kunotikrukutitsa kugoita kuti dzimwe nguva tisaone mhinduro yamatambudziko edu.
Kuzvidya mwoyo dzimwe nguva kunokonzerwa nokusavimba – kusavimba nezvauri, kusavimba nevamwe, kusavimba naMwari. Ndosaka Pauro ari kuti, ‘Kana paine chamunoda chinamatirei.’ Hongu tine zvatioita asi tinonamatawo.
Pauro arikutiwo, ‘Think positively, ivai nepfungwa dzinoona zvakanaka.’ Kazhinji vanhu vanozvidya moyo vanoona zvakaipa chete. Anongofunga kuti pane hora ichaitika (vana vaviri vakaisirwa manyowa mudzimba dzavo). Tinofanira kupedzera simba redu pane zvakanaka kwete zvakaipa.
Mapepa nhau amazuva ano azere nyaya dzakaipa. Zvinhu izvi kazhinji ndizvo zviri kuzadza pfungwa dzedu. Pauro ari kuti, ‘Zadzai pfunga dzenyu chokwadi, nezvakanaka, nezvakachena, nerudo, nekurumbidza.’
Asi kufugna zvakanaka chete hakuna kukwana ndosaka Pauro arikuti zvekare, ‘Rambai muchiita zvakanaka zvamakadzidza kubva kwandiri.’ Itai zvakanaka.
Kana tikavimba naMwari, kana tikafunga zvakanaka, kana tikaita zvakanaka hanzi naPauro ‘Rugare rwaMwari rwakadzama kupinda zvatinonzwisisa ruchachengetedza mweya yenyu nepfungwa dzenyu. Muchava norugare.’
Unogona kuva norugare pakati pamatambudziko. Rugare harunei nokuwana. Rugare harunei nokurwara. Rugare runouya nokuvimba naMwari, nokuenda kudivi raMwari.
