Mumwe mudzimai akafa. Ava kudenga akaona mudhuri mukuru waiva uzere mawachi anekamuti kanotenderera (makiroko). Akabvunza mutumwa waMwari kuti ‘Makiroko ayo ndeeyi?’ Mutumwa ndokuti, ‘Makiroko ekunyepa. Munhu woga-woga anekiroko yokunyepa. Pose paanonyepa ari panyika chitanda chekuroko chinotenderera.’ Mudzimai akanongedzera achibvunza, ‘Ko kiroko iyi ndeyani?’ Mutumwa akapindura, ‘Ndeya Amai Terera vekuKarikata. Haina kumbobvira yafamba kureva kuti Havana kmbobvira vanyepa.’ Mudzimai akabvunza zvekare, ‘Makiroko evarume vekuZimbabwe aripi?’ Mutumwa ndokuti, ‘Ayo ari muhofisi. Tinoashandisa semafeni.’ Mudzimai akaenderera mberi nokubvunza, ‘Ko emadzimai ekuZimbabwe?’ Zvikanzi, ‘Ayo ari panze tinoashandia semajenareta kugadzira magetsi!’
